Kingstone Mapupu
MABHINDAUKO ekupfuya huku dzechivanhu idzo dzinozivikanwa nekunzi ma“Road Runner” ari kuramba achisimukira munyika izvo zviri kuonekwa nekuwanda kwevarimi vadiki nevakuru vari kupinda muchirongwa ichi.
Vamwe vevarimi vasimukira nekupfuya huku idzi vanowanikwa kunzvimbo yeLake Chivero vanove VaBonwell Benyu (50) nemudzimai wavo Mai Kuziwa Benyu (48) avo vari kuita basa iri pasi pekambani yavo yeDistinct Poultry.
Chirongwa chekupfuya huku ichi chakavambwa makore matatu akadarika vachiitira basa iri panzvimbo yakatandavara hekita imwe chete.
VaPaul Muchedzi (53) vanova supavhisa muchirongwa ichi vanoti vane huku dzinokwana 1 500 dzinosanganisira black orpington, musvuu, buff orpington nelight Columbia.
“Huku dzedu dzechivanhu dzakasangana mandudzi akasiyana apo tiine sheshe dzinokandira mazai idzo dzinosvika 750. Tine machongwe anofambirana nesheshe idzi sezvo tichiti sheshe ina kana shanu dzinoenderana nejongwe rimwe chete. Mazai tinotengesera vanoda kunochecheny’esa, isu tine michina yekuchechenyesa uyewo hukwana tinotengesa zvakare kune vamwe varimi,” vanodaro VaMuchedzi.
Mai Benyu vanoti vane mukana wekuchecheny’esa makireti emazai 5 000 panguva imwe chete.
“Basa rekupfuya huku dzechivanhu rine mari uyewo rinowanisa vechidiki mabasa zvichisimudzirawo upfumi hwenyika. Huku dzedu 1 500 dzinokandira sheshe i750, machongwe achikwanawo 126. Tine dzimwe huku diki sheshe dzinokandira zvekudarika makore maviri, tinotengesa zvakare kune vanoda kuuraya kuita nyama,” vanodaro Mai Benyu.
Vanoenderera mberi vachiti: “Tine matanga manonwe akavakwa nezvidhinha uyewo nemamwe ewaya. Vana vechikoro vari kuita zvekurima tinovapawo mukana wekuuya vachiita zvidzidzo zvavo, saizvozvi tina James Mharira (20) ari kufundira basa iri. Huku dzechivanhu hadzibatwe nezvirwere zvakanyanya uyewo tinodzipa kudya kwemakireshi imwewo nguva nehuswa nezvimwe zvirimwa. Mvura tinayo inokwanirana kubva muchibhorani chedu, nzvimbo yedu yakachengeteka zvikuru nenzira dzakasiyana,” vanodaro Mai Benyu.
Vanoti vari musangano reZimbabwe Free Range Association iro rinovawaniswa ruzivo rwakasiyana uyewo vachiendesa mazai avo nehukwana kunotengesa kune vamwe varimi.
“Tinokurudzira vechidiki kupinda muchirongwa ichi kuitira kuti nyika iwane huku pose-pose,” vanodaro Mai Benyu.
Vanoshandawo nevarimisi nguva dzose.
Mai Benyu vanoti vane hurongwa hwekuwedzera huku dzavo kusvika pa3 000 munguva iri kutevera uye panozopera gore dzosvikawo pa5000.




