‘Kupfuya tsuro kune pundutso’

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira varimi vanopfuya tsuro nembira munyika reRabit Producers Association of Zimbabwe rokurudzira kuti vapinde mubasa rekupfuya tsuro senzira yekuvandudza mabasa avo. VaJonathan Tembo vanova sachigaro wesangano iri vanoti kune varimi vazhinji vane mikana yekuita basa rekupfuya tsuro avo vanozongoita musiyapadiki.

Vanoti kubva pavakavamba sangano iri mukupera kwegore ra2014, varimi vashoma zvikuru vari kuuya kwavari vachida kupihwa ruzivo rwemachengeterwo ezvipfuyo izvi. “Sangano redu rinopa dzidziso yemapfuyirwo etsuro pachena asi chinodiwa chete kuva nhengo mushure mekunyoresa. Nyaya huru iripo, tinoda kuti varimi vazive kuti tsuro dzine mari saka ngatirimei nekukohwa tsuro,” vanodaro VaTembo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Varimi vedu vanoumba zvikwata zvavanoshanda nazvo vachipanana ruzivo. Zvakadai, tine kushomeka kwetsuro kwakanyanya munyika parizvino sezvo tichingova netsuro dzinodarika zvishoma 30 000 chete apo tinoda dzinodarika 150 000 munyika panguva yoga-yoga kuti nyama yacho ikwanirane nevanhu,” vanodaro.

Vanoti nyama yetsuro ine mukurumbira zvikuru munyika muno pamwe nekunze. “Pasi rose, ongororo yakaitwa nenyanzvi inotaridza kuti pagore panodyiwa nyama yetsuro inosvika makgs anodarika 2,5 bhiriyoni,” vanodaro.

Tsuro dzine kudya kwadzinopihwa kwemapellets zvisinei kuti vamwe varimi vanodzipa muriwo nehuswa.

“Tine varimi vane tsuro dzakawanda munyika vanosanganisira vamwe vari muguta reHarare asi tinotarisirawo kuti vachawanda sezvakaita vekunyika dzinoti South Africa, Kenya neGhana. Asi pasi rino rose nyika dziri pamusoro mukuchengetwa kwetsuro iFrance neChina,” vanodaro.

VaTembo vanoyambira varimi kuti vasangotenga tsuro dzose-dzose asi kuti vapfuye mhando dzinocherechedzwa dzakaita seChinchill, Newsland neCarlifonia.

“Varimi vedu vanopfuya tsuro izvozvi vakanyoresa nesangano redu vanosvika 2 000 zvisinei kuti vamwe vanopfuya shoma,” vanodaro. Tsuro imwe chete inonzi inokura kusvika makgs 3,5 uyewo ichirarama kwemakore mana kusvika mashanu.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *