Kupondwa kwaTapiwa: Mukadzi asungwa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti asunga mumwe mudzimai nenyaya yekupondwa kwemwana wekwaMangwende, kwaMurehwa, uyo ane mutumbi wakazowanikwa wakabviswa musoro, makumbo nemaoko.

Izvi zvinotevera kusungwa kwevamwe vanhu vaviri nekuda kwenyaya yekupondwa kwemwana uyu.

Tapiwa Makore (Jnr) – uyo aive nemakore manonwe ekuberekwa – anonzi akapondwa nababamukuru vake uye sazita Tapiwa Makore (Snr) vachibatsirana nemufudzi wavo wemombe anonzi Tafadzwa Shamba uye vaviri ava vakatomiswa mudare nekuda kwemhosva yavari kupomerwa iyi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa akasunga Maud Hunidzarira (42) nekuda kwekupondwa kwaTapiwa.

“Apo tiri kufambira mberi nekuferefeta nyaya yekupondwa kwemwana wemakore 7 wekwaMurehwa ainzi Tapiwa Makore, mapurisa asunga mudzimai anonzi Maud Hunidzarira. Mudzimai uyu atopinda mudare nekuda kwenyaya iyi.

“Tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti varambe vachitipa mashoko ane chekuita nekuda kwekupondwa kwemwana uyu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Zvichakadai, mutumbi waTapiwa hausati wavigwa sezvo kuchiri kutsvagwa musoro wake pamwe chete nemaoko izvo zvisiri kuonekwa.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×