‘Kuratidzira pazvipatara bodo’

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti kubva pari zvino haizi kuzotendera kuti panzvimbo dzinorapwa varwere sepazvipatara dzishandiswe pakuratidzira kuitira kuti vanorwara vasakanganiswe mukupora kwavo.

Izvi zvakaziviswa nevakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika Acting President General (Rtd) Dr Constantino Chiwenga mumashoko akabva kumahofisi avo.

“Kubva zvino, Hurumende haizi kuzotendera vanhu vanoratidzira kunzvimbo dzinorapirwa varwere kuitira kuti vange vachipora zvizere uye zvakanaka,” vanodaro.

Izvi zvinotevera kutsutsumwa kuri kuitwa nevamwe vanachiremba (junior doctors) avo vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kuti vabhadharwe mari yavo yemihoro pachishandiswa US$, pakati pezvimwe zvichemo.

Acting President Chiwenga vanoti zvakare hapana vashandi veHurumende vari kuzotambiriswa nemaUS$.

“Mari yekunze ichashandiswa – pakati pezvimwe zvinhu – kutenga mishonga yakakosha kubva kunze kwenyika yekushandisa muzvipatara nemumakiriniki pamwe nekuvandudza upfumi hwenyika, zvichienderana nechirongwa cheTranstional Stabilisation Programme,” vanodaro.

Vanoti Hurumende inotenda zvikuru vanachiremba vakuru (senior doctors) nekuramba vachiita basa ravo izvo zviri kuita kuti zvinhu zviendeke pamwe namachiremba vanoshanda vakazvimirira, vari pamudyandigire nevakabva kunze kwenyika nekuzvipira kwavari kuita mukubatsira varwere.

Dare reLabour Court svondo rapera rakatura mutongo unoti kuramwa mabasa kuri kuitwa nemajunior doctors hakuzi pamutemo ndokuvakurudzira kuti vadzokere kubasa asi vari kuramba vakaisa zvimiti munzeve.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *