Kurima musimboti weZim-Asset

CHIRONGWA chekuvandudza upfumi hwenyika cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation (Zim-Asset) chinokoshesa kuwaniwakwa kwezvekudya kune utano munyika semusimboti wekubudirira kwacho.
Pasi pechirongwa ichi, varimi vanofanirwa kuwaniswa zvekushandisa zvakakwana nguva ichiripo uye ibasa reHurumende rekuona kuti zvishuwo zvevarimi zvazadziswa.

Ichi ndicho chinangwa chikuru chakaita kuti kambani yeLASCH Enterprises (Pvt) Ltd pamwe neZanu-PF Youth League vabatane mukuona kuti varimi vawaniswa zvekushandisa nenguva.

Zvakadaro, kune zvimhingamipinyi zvakawanda zvinoda kugadziriswa nedonzvo rekuvandudza chikamu chekurima munyika.

Izvi zvinosanganisira kushomeka kwezvekushandisa kuvarimi nekuda kwekushaikwa kwemari pamwe nekushandiswa kwenzira dzisiridzo nevarimi izvo zviri kuita kuti goho ravo ridzikire.

Varimi vari kusangana nematambudziko zvakare mukutengesa zvirimwa zvavo apo mitengo inenge yakaderera zvikuru uye zvimwe zvinotorwa nemakoronyera kuburikidza nechikiribi pasina mari ine pundutso yavanowana.
Pamusoro pezvo, vamwe havanai mukana wekuwana ruzivo rwekuvandudza mabasa avo.

Zvakadaro, varimi vakabatsirika zvikuru nekuwaniswa minda pasi pechirongwa chekugova ivhu kuruzhinji naizvozvo zvakakosha kuti vawaniswe zvekushandisa zvinoita kuti Zimbabwe igove hurudza zvakare.

Nekudaro mapoka ose anofanira kubatana mukusimudzira chikamu chekurima munyika uye varimi vowaniswawo mukana wekushandisa michina yechizvino-zvino kuti basa ravo rivandudzike.

Vanofanira zvakare kuve neruzivo rwemarimirwo rwemhando yepamusoro kuburikidza nekupihwa mazano nenyanzvi dzakadzidzira basa iri.

Zvimhingamipinyi zviri kusangana navarimi apo vanonotengesa zvirimwa zvavo kumisika yakasiyana zvinofanira kugadziridzwa nekuchimbidza.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×