Kurunga mutauro

Ticha Danga —
PAYA patinenge tichironga kugadzira kubika husavi, tinotoda kutoziva kuti husavi hwatinoda kubika uhu chii chahunoda kuti hugozipa sezvahunofanirwa kuita. Kana riri derere, tinoziva kuti rinodiwa nekatoronga padivi kuti rinake.

Tinozivazve kuti muboora kana kuti mutikiti unoda mutyora kana soda kuti unyatsopfava.

Kana tikasatevedzera zvose izvi, zvinoreva kuti muriwo iwoyo hauzonaka sezvaunotarisirwa. Unenge usisina kudzana kana kukora sezvaunofanirwa nekudaro vaenzi vakaupiwa havazoufariri zvakare mune ramangwana.

Ndizvo zvimwe chete nemutauro wedu wechiShona. Tinofanirwawo kuziva zvinodiwa kuti mutauro uyu ugotapira nokuzipa sohuchi hwegonera.

Naizvozvo tinofanirwa kuurunga zvokuti vanotinzwa tichiusvisvina, chero vari vekunze kwenyika, vanonzwawo chidokwadokwa chekuti dai vangougonawo. Zvinotosvika pakuukoshesa mutauro iwoyo zvekuti haunyari kuutaura kana pakazara vanhu.

Zvino tingaita sei kutimutauro uyu ugotapira? Tinofanirwa kuunganidza twese twunogona kukoresa mutauro uyu tigotwusanganisa zvine mwero.

Kune twakawanda twunodiwa kuti mutauro upfume. Tinogona kupfumisa mutauro netsumo, madimikira, nyaudzosingwi, zvipauro, fananidzo nefananidzosiri.

Zvirungamutauro izvozvo ndiwo musimboti wekuvaka mutauro wakasimba uye wakadzama. Kana dziri tsumo, dzinopinda pakawanda apo dzinoshandiswa kuraira kana kutsiura. Tinodzishandisa muzvinyorwa zvedu kana mukungotaura hedu.

Tsumo dzinonyatsoshanda kana toda kuburitsa kukosha kwechinhu. Ukanzwa vakuru vachiti, “Vimba nechako chimwango chekukumbira hachina ndima”. Vanenge vachida kuti iwe unyinde nezvako kwete kuzvitutumadza nezvevamwe.

Kutaura kwakadai kunowanzoitwa nevakwegura vachiraira vachangobva zera kana vachangobuda mugota kana munhanga. Zvinotaurwa nemutoo wekuti iwe haukanuki asi kuti unotogutsurira.

Zvikomana nezvisikana zvichangoyaruka ndizvo zvoda kurovera musoro nguva nenguva nekuti nyika inenge ichakavadzvokora zvekuti kudzikama chaiko imwewo nyaya. Ndipo paunonzwa vakuru vachiti, “Ubatebate hunoparira”. Uku kuedza kuraira vana kuti vasangobatabata zvose zvavasangana nazvo nekuti vanogona kutatapurana nezvakati tende. Uku kudzidzisa vana kudzikama kana kutsigisa hana.

Vabereki vaya vanoda kuti vana vavo vagoita zvakanaka mubvunzo dzavo dzekupera kwegore havamirire kuti vazovaraira nekuvayambira nguva dzaenda, kana kuti bvunzo dzonokwana. Vanovaraira nguva ichipo vachivaudza kuti, “Mvura yembambavara tiza ichiri kure”. Uku kuyambira mwana kuti anzvengane nekukundikana nguva ichiripo. Panogona zvakare kunzi, “Akupa badza ati udye.” Anetenge akubaira zanhi.

Kana mwana achinge akaneta abva kuchikoro oda kuregedza kumbobata bhuku unonzwa vakuru vachiti, “Atswinya arwa mwanagu” vachiedza kukurudzira kuti chingobatabata zvishoma hazvo zvinokubatsira remangwana.

Kana zviri zvinyorwa tinoshandisa tsumo zvakare apo tinogona kutangisa nhanganyaya dzerondedzero. Tikatanga rondedzero netsumo tinenge tagona kukwezva mukwenyi kuti aise pfungwa dzake pabasa raakatarisana naro. Zvinoita kuti atapirirwe kuti goho rigodururwa.

Kutanga rondedzero netsumo kunodudza kuti munhu akarongeka uye anoziva zvaanoita. Tingatora muenzaniso wekuti, “Zviro kwazvo chakange chatorovedzera zvekurovedzera zviya zvekukwidza gudo mawere kwasviba.” Zvoreva kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Ukati “Nayave ndakange ndaibopa nekumuswe” zvoreva kuti wakange waita zvinhu zvisiri izvo uye zvisati zvaonekwa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *