Caps Utd, Ngezi Platinum muhondo

Abel Ndooka —
ZVIKWATA zvenhabvu zvemunyika muno zvinoti CAPS United neNgezi Platinum svondo rino zvinofanira kusunga dzisimbe apo zvichange zvichikwikwidza mumitambo yemuAfrica.

CAPS United – iyo yakahwina mukombe weCastle Premiership mwaka wadarika – ichange ichikwikwidza mumutambo weCAF Champions League.

Nerimwewo divi, Platinum yakahwina mukombe weChibuku Super Cup uye ichange ichikwikwidza muCAF Confederation Cup.

Kepe-kepe, sezita remadunhurirwa reCAPS United, yakapedzisira kukwikwidza mumutambo uyu mugore ra2007 uye ichasangana neLioli yekuLesotho kunyika iyi svondo rino nemusi weMugovera. Mutambo wechipiri pakati pezvikwata zviviri izvi uchatambwa munyika muno masvondo maviri anotevera.

Chikwata chinenge chakunda chichafambira mberi mumutambo uyu chosangana neTP Mazembe yekuDemocratic Republic of Congo muchikamu chinotevera.

CAPS United nguva yadarika yange ichimhanya-mhanya ichiita gadziriro dzemutambo uyu izvo zvaona ichitenga vatambi vatsva vakaita saRonald ‘Rooney’ Chitiyo uyo anotarisirwa kubatsira chikwata ichi mumitambo yacho.

Rooney ane ruzivo rwakanyanya pamusoro pemutambo weCAF Champions League sezvo akambokwikwidza achitambira Dynamos uye neHarare City mwaka wadarika.

Zvakadai, Ngezi Platinum iri kupinda mumutambo weCAF Confederation Cup kekutanga apo iri kusangana nePamplemousses yekuMauritius.

Mutambo wekutanga uchatambirwa kuMauritius nemusi weSvondo kozoti wechipiri uchatambirwa muno masvondo maviri anotevera.

Murairidzi wechikwata ichi – Tonderai Ndiraya – ane ruzivo rwakadzama pamusoro pemutambo uyu sezvo akambotamba kumakwishu aya ari kuDynamos uye akazoapinda zvakare ave murairidzi kuchikwata ichi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *