Kingstone Mapupu
VARIMI vari kukurudzirwa kuti vasatengese minda yavo sezvo katsika aka kachidzosera mabasa ekurima kumashure.Kutengesa ivhu yagara iri mhosva huru sezvo riri reHurumende. Yambiro iyi inopihwa naMambo Seke, VaStanley Chimanikire vekwaSeke, kuMashonaland East, zvichitevera dambudziko ravanoti vakatarisana naro revanhu vari kutengesa minda vachiti inzvimbo dzemadzitateguru avo.
“Ivhu ndiro rakaita kuti vana veZimbabwe tirwise vachena kuti ridzoke. Zvino ndinoshamiswa muno maSeke vanhu vachipedza kutengesa minda yavanofanirwa kunge vachirima iyo yapera kuzara dzimba.
“Vamwe havasisina kwekurima, unoona munhu achisara nedzimba chete pasina minda. Maitiro akadai anodzorera mabasa ekurima kumashure zvikuru.
“Vanhu ivava vane vana nevazukuru vachagara kupi? Tiri kuvasunga tichivaripisa, vamwe tichiguma tavaendesa kumatare edzimhosva asi havasi kurega,” vanodaro Mambo Seke.
Vanoenderera mberi vachiti, “Vamwe vari kuzogumisira vave kurwiswa nevana vavo vachibvunzwa kuti vachawana kupi kwekuvaka. Saka tiri kuti vanhu ngavasiyane nekutengesa minda.”
Mambo Seke vanoshorawo mamwe masabhuku emudunhu ravo vachivapomera mhosva yekuita huwori hwekudyidzana nevanhu vari kutengesa minda vachipihwa mari dzevharamuromo.
“Tine misha yemasabhuku anotozivikanwa kuti vanonyengera vanhu kuti vatengese minda yavo vachiisa vanhu vatsva vanenge vatenga. Ini samambo, ndiri kuyambira vanhu ivava kuti tinovatonga tovaendesa zvakare kumapurisa nekuti ivhu ndereHurumende,” vanodaro.
Zvichakadai, Mambo Seke vari kutsutsumwa nekuda kwevamwe vari kutengesa jecha nevhu remuminda yavo kune vanhu vari kuvaka kuChitungwiza nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza.
“Mimwe minda yacho iri muno haicharimika, angova makomba zvekuti kukanaya anotoita madziva. Zvino toparadza nhaka yevana vedu nekuda kwetumari twunopera here?” vanodaro.
Mambo Seke vanoti vari kushanda nevakuru vekanzuru yeManyame iyo inomirira dunhu ravo pakugadzirisa nyaya yevanhu vari kutengesa minda.
Mai Farirai Guta, avo vanova chamangwiza wekanzuru yeManyame, vanotsinhira nyaya yekutengeswa kweminda vachiti kuita uku imhosva huru.
“Iyambiro yedu sekanzuru kuti imhosva huru kune vanhu vari kutengesa minda ava. Vanhu vacho vanenge vatenga nevatengesa – vangava masabhuku – tiri kusunga tovaendesa kumapurisa nekumatare edzimhosva,” vanodaro Mai Guta.
Vanoti vanhu vanoda masitendi ekuvaka dzimba ngavaende vanoforera kumahofisi ekanzuru yavo ari kuDema nekuBeatrice vomirira kuzopihwa zviri pamutemo kwete kutengeserwa zvechikiribidi.




