TINOZIVA kuti munhu anogona kuzviongorora kuti ava nepamuviri here ari oga. Chinodiwa apa kutenga kamudziyo kadiki-diki ako kanoita dhora kana faifi bhobho kubva kufamasi woisa weti pakapepa aka. Kune mhando dzakawanda dzinoshandiswa asi iyo ndichataura nezvayo ndeyekushandisa weti.
Unonyika kamuti kawatenga muweti uye kakasanduka ruvara zvinotsinhira kuzvitakura. Muweti yemunhu ane mimba munowanikwa hormone iyo isingawanikwe muweti yemunhu asina mimba.
Munhu anokurudzirwa kuzoenda kukiriniki kana kwachiremba nekukasika kuti awane chengetedzo yake nemwana yakakwana. Kuongorora kuti munhu ane mimba kumba kwakatanga mugore ra1990 uye nhasi kwatekeshera pasi rose.
Ngatichiendai kunhau yekuzviferefeta kuti munhu ane utachiona hweHIV ari ega kumba kunofamba sei. Sangano reNational Aids Council (NAC) rakazivisa kuti nyika ino ichange yozarura masuwo ekuti vanhu vazviongorere utachiona hweHIV kudzimba pachavo.
Izvi zvine hunaku hwazvo nehuipi asi sechinhu chitsva ngatikurukurei nhau iyi tinzwe mafungiro enyu.
NAC inoti mugore ra2014 pavanhu vemuBulawayo vanosvika 196 000 vakaongororwa ropa, 185 000 ndivo vakadzoka kuzoziva zvabuda muongororo.
Izvi zvinorakidza kutya kana kuti dzimwe nguva kuziva pakare zvabudamo naizvozvo kusazodzoka.
Vamwe ndevanofunga kuti kana munhu ari ega akasununguka kuzviongorora ropa pane kuti zviitwe nemumwe munhu. Ini mafungiro angu ndeekuti munhu anotya kuziva naizvozvo kana ari ega kutya uku kunozogonekwa sei?
Kana munhu akaongororwa kukiriniki kana kuNew Start Centre anotanga adzidziswa otsigiswa asati atariswa.
Munhu asati apiwazve zvaonekwa anotsigiswa kunyangwe aine utachiona kana asina.
Tinogaronzwa kuti kuna nhingi akazviuraya mushure mekuonekwa aine utachiona hweHIV.
Hapana hapo umboo hwakazara (survey) hwati hwaitwa kuti kuonekwe kuti vanhu ava vangani uye vakaturira kunani nhunha dzavo.
Vachitaura nenhau iyi, VaLawrence Kupara avo NAC Manicaland Provincial co-ordinator vanoti kuchiri kuitwa tsvakiridzo yeunaku neuipi hwechirongwa ichi.
“Hongu kuzviongorora ropa kune hunaku asi tisakanganwawo matambudziko angabude kubva munhau iyi,” vakadaro.
Munyika muno kutya kuongororwa ropa kunobva mukushaya ruzivo ruzere pamusoro peutachiona hweHIV nekuti vamwe vanotofunga kuti kuwanikwa uine utachiona zvareva rufu.
Vamwe ndevanorega kuongororwa ropa nekuda kwekusada kuonerwa pasi naizvozvo vakanzi vave kugona kuzvivheneka vega dzimwe nguva vanhu vakawanda vangazive mamiriro avo.
VaRonreth Shumba avo vaimbove mudzidzisi vanoti havaoni chakaipa pakuti munhu adzipakate odziridza.
“Ini hangu handioni chakaipa pakuti munhu azviongorore pachake. Chinhu chakanaka nekuti munhu anoziva asati arwara uye anogona kubva azochengetedza mudiwa wake nekushandisa dziviriro,” vakadaro VaShumba.
Vakatsinhira kuti sechinhu chitsva vanhu vachataura asi izvi hazvifaniri kumisa chitima kusumuka.
Pari zvino muZimbabwe vanhu 1,3 miriyoni vari kurarama neutachiona hweHIV, sekuziviswa kwazvakaitwa nesangano reWHO mugore rapera.
Kana vanhu vozvivheneka vega kudzimba handizivi kuti huwandu hwacho hunezenge huchibatika nekuzivikanwa sei nekuti mumwe ndeanozoenda kukiriniki, ane mari yake onanga kwachiremba mumwewo ndiye anonozozvitsvagira mishonga pachake ozvirapa.
Munofungei nenhau iyi? Ngatidzidzisanei tiizeye nyaya iyi.
Wenyu:[email protected]



