Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku

MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi.

Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court pamberi pemutongi VaMaxwell Ncube svondo rapera.

Anotarisirwa kudzoka kudare nguva pfupi iri kutevera apo anenge ari mutorongo.

Muchuchisi Muzvare Nobuhle Mguni vakapikisa mukana wekuti Moses Ndlovu abvise bhero vachiti akatarisana nemhosva huru.

Muzvare Mguni vakaudza dare kuti nomusi wa30 Chivabvu 2026, nenguva dze9 manheru, Moses Ndlovu akaenda kumba kwaMbuya Grace Mpofu ndokuvawana vakarara muimba yavo yekurara.

“Akapomera Mbuya Mpofu kuti muroyi ndokutanga kuvarova netambo yemagetsi. Mushakabvu akaedza kutiza asi akamutevera uye ndokuenderera mberi achimurova neshamhu hombe,” vanodaro Muzvare Mguni.

Mwana wemushakabvu, VaDaniel Mpofu, avo vanova muvakidzani, vakanzwa mhere-mhere ndokumhanyira pamba apa ndokuwana amai vavo vachirohwa naMoses Ndlovu.

“Akamira chinhambwe achibva aona amai vake vachirwiswa zvisina tsitsi nemusungwa,” vanodaro Muzvare Mguni.

Vanoti Moses Ndlovu akabva ataura kuti aida kuuraya Mbuya Mpofu nekuti vaimuroya uye mushure mezvo aizoda kuuraya varoyi vese vemumusha uyu.

Muzvare Mguni vanoti VaDaniel Mpofu vakazama kununura amai vavo asi Moses Ndlovu akabva avatyisidzira achiti anoda kuvauraya zvakare.

“Mwana wemushakabvu akabva panzvimbo iyi ndokumhanyira kwaigara musungwa kunoshevedza munin’ina wake, VaMthabisi Ndlovu, uyo akazobatsira kumisa mhirizhonga iyi ndokubva aenda nemusungwa,” vanodaro.

Muzvare Mguni vanoti nemusi wa31 Chivabvu, mamiriro eutano hwaMbuya Mpofu akanyanya kuipa ndokumhanyiswa kuchipatara cheTsholotsho District Hospital asi vakafira munzira.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakazoita kuti Moses Ndlovu asungwe.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×