Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura

MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga kuHeadlands, kwaMakoni.

Learnmore Gwenyaya, uyo anoshanda kuOne Commando Regiment Block 5 muHarare, akapihwa mutongo uyu paakamiswa mudare reRusape Magistrates’ Court pamberi pemutongi VaTendai Mahwe nemusi weMuvhuro uye akabvuma mhosva yake.

Akasungwa mukati memaawa maviri mushure mekupara mhosva iyi nemusi 8 Zvita 2025, apo vamwe vake vaviri vaakapara navo mhosva iyi vachiri kutsvagwa nemapurisa.

VaMahwe vakamutemera chirango chekugara mujeri kwemakore mashanu, ndokuzosendeka gore rimwechete parutivi nechitsidzo chekuti anofanirwa kuita hunhu hwakanaka.

Izvi zvinoreva kuti achagara mujeri kwemakore mana azere.

Gwenyaya, uyo aive asina gweta rakamumirira mudare, akabvuma mhosva yekutyora chikamu cheSection 126(1)(a) chemutemo Criminal Law (Codification and Reform) Act (Chapter 9:23).

Dare rakaudzwa kuti fata uyu akakuvara mukurwiswa kwaakaitwa uku, kunyangwe zvazvo hudzamu hwekukuvara kwake husina kutsanangurwa.

Hapana chimwe chinhu chakabiwa kunze kwenharembozha.

Hukoshi hwenharembozha iyi hauna kuziviswa mudare.

Muchuchisi, Mai Faith Mutukwa, vakaudza dare kuti Gwenyaya nevamwe vake vakaronga kunoba pamba panogara Father Kanisious Mashati paMt Carmel Primary School, kuHeadlands.

Chikwata chemakororo ichi chakabva muHarare ndokuenda kuHeadlands vachishandisa zvifambiso zvinotakura veruzhinji nemusi wa8 Zvita vachida kunobira fata uyu.

“Nemusi wa7 Zvita, 2025, nenguva dza9pm, Father Mashati vakaenda kunorara mushure mekunge vakiya gonhi ravo remubhedhurumu nerimwe rekunze. Mahwindo ose akavharwa nemushandi wemumba, Muzvare Margret Mafeni,” vanodaro Mai Mutukwa.

Nenguva dza1:30am, makororo matatu aya, ayo aive aine zvombo zvinosanganisira simbi, foshoro nebanga remhando yeokapi, vakasvika pamba pafata uyu apo vaive vakavhara kumeso kwavo nema“balaclavas” senzira yekuti vasakwanise kuzivikanwa kuti ndivanani.

Vakashandisa mamwe makiyi kukiyinura gonhi rekunze vasati vapinda nechisimba muimba yekurara yaFather Mashati.

“Vari kupomerwa mhosva ava vakarova mumhan’ari nesimbi pamwechete nefoshoro apo iye aivadzoserawo,” vanodaro Mai Mutukwa.

Vanoti pakurwisana uku, Father Mashati vakapotsera bhodhoro rewaini iro rakasvikotema Gwenyaya uye ndokumukuvadza.

Fata uyu akazorega kurwisana nembavha idzi apo Gwenyaya akaburitsa banga achiti anoda kumubaya.

Makororo aya akazosecha mumba umu ndokuba nhare yemhando yeItel A70 yaFather Mashati ndokubva anyangarika nemukati merima.

Mapurisa aive pabasa manheru emusi uyu, akazosangana nechikwata chembavha ichi paHalfway House iri mumugwagwa Harare-Mutare Road nenguva dza3.30am.

“Apo mapurisa vakasvika paive nemakoro aya, vaviri vavo vakabva vatiza, asi Gwenyaya ndokusungwa,” vanodaro Mai Mutukwa.

Akasechwa mubhegi raaive naro ndokuwanikwa aine chikasha chemabara epfuti.

Akange asina gwaro rinotaridza kuti ane mvumo yekuve nepfuti, kunove kutyora chikamu cheSection 4 chemutemo weFirearms Act (Chapter 10:09).

Chikasha chebara repfuti ichi chakazoendeswa kunyanzvi dzeZRP Ballistics kuti chinoongororwa, uye ndokutsinhirwa kuti chinotoshanda.

Nekuda kwemhosva yekuwanikwa aine chikasha chemabara epfuti, VaMahwe vakamutemera chirango chekubhadhara faindi yeUS$300 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi mina.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×