KWAYEDZA

Kwasara mitambo mitanhatu: Mukombe uchaenda kupi?

Abel Ndooka

MITAMBO yeCastle Premier Soccer League (PSL) iri kusimudzira svondo rino mushure mokunge yambomiswa kwemasvondo maviri nokuda kwemitambo yenyika yaiitwa, yekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations.

Pari kudzoka mitambo yePremiership, svondo rino maziso ose achange ari pazvikwata zviviri zvinoti Scottland FC neHardrock FC, izvo zviri kudzingirirana murwendo rwekurwira mukombe wePSL wegore rino.

Nomusi weMugovera uno, shasha dzePSL, Scottland FC “Mabviravira”, dziri kunanga kuNyamhunga Stadium, kuKariba, uko dzichanosangana neZPC Kariba.

Hardrock FC ichange iri pamba payo, kuChahwanda Stadium, kuKweke, uko ichasangana neBulawayo Chiefs.

Parizvino chikwata cheScottland FC ndicho chiri kutungamira palogo yePSL chiine zvibodzwa 61 kubva pamitambo 29 yachatamba.

Hardrock yakagara pechipiri iine zvibodzwa 60 kubva pamitambo 29 zvakare.

Pamitambo mitanhatu yasara, chikwata chinongotambisa mukana wacho chinogona kuzozvidemba chadzikira sezvo mitambo yePSL yave kupinda mugiya dzvuku.

Paongororo yemitambo mishanu yatambwa nezvikwata zviviri izvi, zviri kuoneka kuti chikwata chaKelvin Kaindu (Hardrock FC) chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura sezvo chakakwanisa kuhwinha mitambo yacho yose mishanu yadarika. Chakakunda Ngezi Platinum 2-1, Manica Diamonds 3-0, Hunters FC 2-1, TelOne 4-1 uye Highlanders 1-0.

Kune rimwe divi, chikwata chaNorman Mapeza (Scottland), pamitambo mishanu yacho yadarika chakahwinha miviri, ndokuita mangange mitatu.

Mitambo yakaona chikwata ichi chichiita mangange ndiyo yakabatsira kuti Hardrock igone kuswedera pedyo neScottland pazvibodzwa. Panguva iyi, Hardrock yakakwanisa kuhwapura zvibodzwa zvose zvakakwana.

Kune zvimwe zvikwata zviri kutevera, Dynamos FC (DeMbare) ndiyo yakagara pechitatu iine zvibodzwa 50 kubva pamitambo 29 yayatambawo. DeMbare yakatamba musi weChitatu chino neTriangle FC mutambo wavo wechi30.

Imwe mitambo iriko svondo rino ichaona dzaimbove shasha dzePSL, Chicken Inn neFC Platinum, dzichitatsurana musi weMugovera mumutambo uchaitirwa kuLuveve Stadium, kuBulawayo.

Herentals College ndiyo ichange iri pamusha musi weMugovera kuRufaro Stadium, muHarare, apo ichasangana neMWOS FC.

Musi weSvondo uchaona zvimwe zvikwata zviviri zvaimbove shasha dzePSL, CAPS United neSimba Bhora, zvichibandana kuRufaro Stadium.