‘kwayedza inotigonera’ . . . Vana nyanduri vopinzwa chikoro

VANA vakapihwa mibairo neKwayedza svondo rapera avo vakakunda mumakwikwi eDetemba Tinzwe vachitaridza mibairo yavo inosanganisira mabhuku nemari yefizi. - Mufananidzo: Memory Mangombe
VANA vakapihwa mibairo neKwayedza svondo rapera avo vakakunda mumakwikwi eDetemba Tinzwe vachitaridza mibairo yavo inosanganisira mabhuku nemari yefizi. – Mufananidzo: Memory Mangombe

VANA vechikoro vanosvika 22 vari muzvikoro zvakasiyana kumativi mana enyika svondo rapera vakatunzvaidzwa neKwayedza nekupihwa mibairo zvichitevera kukunda kwavakaita mumakwikwi ekunyora nhetembo idzo dzakaburitswa mubepanhau iri.
Vana nyanduri ava, avo vakabva muzvikoro zviri kunzvimbo dzakaita seMudzi, Chinhoyi, Mutare, Murehwa neHarare, vakapihwa mibairo inosanganisira mari dzechikoro dzetemu inouya, mabhuku ekunyorera nemari dzekufambisa pakuuya kuchiitiko ichi.

Vachitaura pamabiko aya, Deputy Director of Infant Education and Learner Welfare Services kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaJemious Muguwe, avo vaive muenzi anoremekedzwa, vakati vanhu vatema vanofanira kudada nekushandisa rurimi rwaamai kwete kuda kususukidza chiRungu mberi.

Vakatenda Kwayedza nekuva bepanhau rimwe chete munyika rinonyora nyaya dziri kuitika nechiShona.
“Bepanhau iri harisi kugumira pakupakura nyaya chete sezvo riine chikamu chinoongorora kudzidziswa kwemutauro weShona muzvikoro pamwe neongororo yemabhuku engano ayo ari kudzidzwa nevana vemagwaro eGrade 7, Form 4 kusvika Form 6,” vakadaro.

Vakati vanoshamiswa zvikuru nevana vemazuva ano, kunyangwe nevanhu vakuru, vasingadi kushandisa mutauro werurimi rwaamai.

“Regai nditi senyika tinofanirwa kurwisa kuchengetedza mutauro wedu nekuti mutauro wedu ndiwo unotakura tsika nemagariro edu sevanhu vatema. Izvi zvoreva kuti tikasiya mitauro yedu ichirasika tiri kuzvirasira tsika dzedu zvekare nekuti zviviri izvi zvinofambirana uye hazvigone kupatsanurwa.

“Regai nditi kuvana vakahwinha rambai muchiita zvakanaka mumutauro wenyu. Iwo mabhuku amunodzidza kuzvikoro ritori basa riri kuitwa nevanyori zvichireva kuti unogona kurarama semunyori wemabhuku eShona, semudetembi wenhetembo kana semuimbi wenziyo dzeShona. Mutauro wedu wakapfuma zvikuru nemabasa,” vakadaro.

Mupepeti weKwayedza, Patrick Shamba akati bepanhau reKwayedza riri kuedza nepose parinokwanisa kudzoreredza mutauro werurimi rwaamai.

Akakomekedza vana vechikoro kuti vakoshese pamwe nekuremekedza mitauro yerurimi rwaamai yakaita seShona.

Shamba akati kunyangwe bumbiro idzva remutemo wenyika rinokurudzira kusimudzirwa kwemitauro yemuZimbabwe iyo inosvika 16.

“Unotoona kuti vanhu vazhinji vanonyara nemutauro wavo asi kunyika dzakadai seJapan, mbatya, motokari pamwe nenharembozha dzinotengeswa dzakanyorwa nemutauro wavo. Ndapota dadai nerurimi rwaamai,” akadaro Shamba.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×