l Vari kukumba mikombe kuchess l Muchikoro vana vacho ishasha

Mukuru wechikoro ichi, VaKachana Banda, vanoti kunze kwechess, vana vavo vanoitawo mitambo inosanganisira nhabvu, netball, volleyball, basketball, softball nerugby.ALFRED Beit School, iyo iri muguta reHarare, yaita mukurumbira mukuru munyaya dzemutambo wechess izvo zviri kuona vana vepo vachinokwikwidza kune dzimwe nyika dzakaita seZambia neBotswana.

“Pano tingati mutambo mukuru watiri kukurumbira ndewe chess zvekuti tine vana vakanokwikwidza kune dzimwe nyika sekuZambia neBotswana.

“Mumwedzi waNyamavhuvhu, tine vamwe vana vakakunda mumutambo wechess mumakwikwi enyika yose avo vachaenda kunokwikwidza kuPort Elizabeth, kuSouth Africa. Vadzidzi vedu vakawana mikombe nemenduru dzakawanda kuchess negolf,” vanodaro.

Vanoti pamitambo inoitwa pachikoro chavo, vana vose kubvira veEarly Child Development (ECD) vakasununguka kukwikwidza.

“Mitambo yakakosha nekuti inosimbisa muviri uye inoita kuti vana vawane mabasa apo vanopedza dzidzo nekuti handi vose vanobudirira muzvinyorwa. Vane zvipo zvakasiyana saka zvinoburwa muzvikoro umo mavanofundiswa.

“Tine mitambo yakadai seChipawo apo vana vanoita mitambo yechinyakare vachiridza ngoma zvinova zvinofambirana nedzidzo yemuno.”

VaBanda vanoti vamwe vana vanoita mabhindauko ekuchengetedzwa kwenharaunda, kurima muriwo nemiti mubindu rechikoro pamwe nekufundiswa kubatsira varwere (First Aid).

Munyaya dzedzidzo, vanoti vana vepo vanofarira chidzidzo cheShona zvikuru, zvisinei nekuti dzimwe nguva chikamu chekubudirira kwavo pabvunzo dzeGrade 7 chinombodzikira.

“Mugore ra2013 vana veGrade 7 kuShona vakapasa, vaive nechikamu che94%; 2014 vakaenda pa100% kuchizoti 2015 vaive nechikamu che96,3%. Tiri kushanda pamwe nebepanhau reKwayedza kuti vana vedu vapase. “Kutaura chokwadi, Kwayedza ine zvirungamutauro zvinobatsira vadzidzi mukunyora rondedzero nekuumba mazwi. Kwayedza inofundisa zvakare nhau dzekuchengetedza hunhu seapo pakabuda nyaya yemurume wekunzi akaba toki akamera muchochororo, vana vedu vakafunda zvakawanda,” vanodaro.

Chikoro ichi chakavambwa mugore 1952 chiri chevachena chete asi kubvira mugore ra1980 apo nyika yakawana kuzvitonga kuzere, pakave nemusanganiswa wevana.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×