Lameck apukunyuka

— ‘Hatimusungise, regai titaurirane’

Kingstone Mapupu —
MHURI yekwaTumba inogara kuOld Mabvuku, muHarare — iyo ine chitunha chakatukirirwa pamwe nekuny’ombwa nemumwe murume uyo aida zvakare kupfura vanhu vaive parufu apa nerekeni — inoti haina kuda kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi kutaurirana sevavakidzani.

Izvi zvinotevera nyaya yaLameck Makwiramiti Chimoka (42) apo akatukirira chitunha chaMai Olivia Mapenzwa (42) pajekere achiti mushakabvu uyu akashungurudza mwanasikana wake apo akatizira mwanakomana wemufi.

LAMECK CHIMOKA

Lameck anoti mwanasikana wake, Angelica Chimoka Makwiramiti (22), paakapihwa pamuviri naTafadzwa Tumba (22) akatizira asi akazorariswa panze nemushakabvu apo akafuma achidirwa mugomo weweti izvo zvakamurwadza zvikuru.

Kunze kwekutukidzira chitunha ichi nekuda kupfura vanhu vaive parufu apa nerekeni, Lameck anoti aidazve kumwaya tsvina yemunhu muchikafu chaive chabikwa kuti vanhu vazodya. Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, svondo rapera vakati imhosva munhu kufamba kana kusvika nezvombo zvinokuvadza zvakaita serekeni panzvimbo ine veruzhinji. Chief Supt Nyathi vakati kana mhuri yakaburitsirwa rekeni parufu naLameck ikanomhan’ara kumapurisa, murume uyu anosungwa.

Asi VaRegis Tumba (48) — avo vanove murume wemushakabvu — vanoti kunyangwe zvavo vakatadzirwa naLameck, vanoona zvakakodzera kuti vataurirane naLameck sevavakidzani.

“Ichokwadi kuti takakanganisirwa zvikuru nezvakaitwa izvi. Asi sevavakidzani, tinoona zvakakodzera kuti tisiyane nenyaya iyi uyewo ndichiri kuchema mukadzi wangu,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *