Ligi yegore rino makata: Ndiraya

Innocent Kurira

ANOVE Coach of the Year pari zvino Tonderai Ndiraya anotenda kuti zvairatidza kubva pakutanga chaipo kuti mukombe we2026 Castle Lager Premier Soccer League uchakwikwidzwa zvine mutsindo.

Murairidzi weChicken Inn uyu kusvika pari zvino ahwinha mikombe miviri yeligi neSimba Bhora uye neScottland.

Ari kutarisira kunyora nhoroondo yake nekuhwinha mukombe wechitatu kakatevedzana, rwendo rwuno aine Chicken Inn.

Achitaura mushure mekutungamirira Chicken Inn mukukunda Dynamos 2-1 mumutambo weMatch Day 10 kuBarbourfields, kuBulawayo, nomusi weSvondo wadarika, Ndiraya akasimbisa nezvekukwikwidzana kwakasimba kuri muligi, achiti mwaka uno “wakatooma kupfuura gore radarika”.

“Kubva pakutanga, zvaive pachena kuti ligi raizove nekukwikwidzana kwakasimba kana mukatarisa gadziriro dzakaitwa nezvikwata panguva iyo mwaka waive usati watanga,” anodaro.
Mushure memitambo gumi yemuligi iyi, maonero ake anotaridzwa zvakajeka mumamiriro emitambo nepasvika mwaka uyu.

CAPS United ndiyo iri kutungamira palogo nemapoinzi makumi maviri nemaviri, asi mapoinzi aya ari kure kuti chikwata ichi chinzwe kugadzikana.

Palogo, Hardrock yakasiiwa nepoindi imwe chete neMakepekepe, ukuwo Ngezi Platinum Stars ine mapoinzi makumi maviri uye ndiyo yasara iri yoga isati yambokundwa muligi kusvika pari zvino.

“Mwaka uno wakaoma uye wakatooma pane wegore radarika. Zvikwata zvose zviri kutamba nhabvu yakasimba, izvo zvinoratidza kukwikwidzana kwakaomarara muligi. Hapana chikwata chisina kusimba muligi iyi, ligi yakaoma,” anodaro Ndiraya.

Mashoko ake anotsigirwa nezvakabuda mumitambo yeligi svondo rapera.

Mukupera kwesvondo, CAPS United yakarohwa 1-0 neBulawayo Chiefs, izvo zvinoburitsa pachena kuti kana chikwata chiri pamusoro pelogo chinokwanisa kungokundwa zvakadaro.

Panguva imwe cheteyo, Hardrock yakaita zvinorova apo yakarakasha FC Hunters 6-1, zvinova zvinoratidza kuti zvikwata zvinokwanisa kutamba nhabvu inodakadza zvisinei nokuti zvichangopinda muligi kekutanga.

Kuna Ndiraya, maitiro aya ndiwo mucherechedzo wakajeka weligi ine utano uye ine kukwikwidzana kwakasimba.

Pamusoro pezvo, uyu mucherechedzo wokuti zvikwata hazvichakwanisi kuvimba nemukurumbira chete kuti zvikunde mumitambo yazvo.

Kusimba kwekukwikwidzana kuri muligi uku kuri kuonekwawo pachidanho chemutambi mumwe nemumwe.

Vatambi vari kushanda nesimba kuti vasimudze zviyero zvavo, vachiziva kuti kutamba zvinoendeka kwakakosha muligi iyi, umo mapoinzi ose anokwikwidzwa.

Mutambi weHardrock, Washington Navaya, somuenzaniso, ave kutanga kuwana mutinhimira wake, achisvitsa zvibodzwa zvina apo ari kudzingirirana naKhama Billiat naRalph Kawondera, avo vakatanga kunwisa zvibodzwa zvakawanda muligi iyi mwaka uno.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×