‘Lockdown’ nenguva yekutevera

Muchaneta Chimuka
PANGUVA ino apo Zimbabwe iri kurwisa chirwere cheCovid-19, zvakaonekwa kuti zvakakoshawo kuti veruzhinji vakoshese utano hwesikarudzi pasi pezuva reWorld Menstrual Day sezvo zviviri izvi zvichidyidzana pakuti zvose zvinoda hutsanana nekushandiswa kwemvura nesipo.

World Menstrual Health Day izuva rinocherechedzwa pagore nemusi wa28 Chivabvu pachikosheswa kuwaniswa kwemadzimai nevanasikana zvekushandisa panguva yavo yekutevera nemitengo yakaderera.

Nyaya dzekutevera dzakakosha zvikuru munguva ino yeCovid-19 apo madzimai nevanasikana vari kuswera kuzvibhorani vachitsvaga mvura kuti vakwanise kuchengetedza hutsanana.

Mercy Manunure (18) anogara kuChitungwiza anoti utano hwesikarudzi idambudziko guru kuvanasikana nemadzimai kana vasina zvekushandisa zvakakwana.

“Zvisinei nekuti Hurumende yakabvisa mutero (duty) pa’sanitary wear’, zviri kungoramba zvichidhura. Paketi rimwechete re’sanitary ware’ riri kuita US$1 saka handi vose vanokwanisa kutenga. Nokudaro, vanhukadzi vakawanda, zvikuru vana vekumaruwa, vanopedzisira voshandisa machira ane tsvina zvichiita kuti vazviise panjodzi dzeutano hwesikarudzi kana gomarara remuchibereko, “ anodaro.

Mai Tatenda Garikai (35) vanoti mitengo yesanitary wear ngaidzikiswe kana kuti zvekushandisa izvi zvipihwe pachena.

“Pafungei kuti unenge uine vanasikana vashanu kozoti iwe amai vacho, kureva kuti pamwedzi unotofanirwa kuva nebhajeti yeUS$12 yekutenga masanitary pads. Zvinhu zvakangooma chaizvo uye inobvepi mari iyoyo kana tiri kunetseka yechikafu chaicho?” vanodaro.

Nyaradzo Mashayamombe, uyo anova mukuru wesangano rinomiririra kodzero dzavanasikana nedzidzo reTagAlife, anoti: “Vanasikana vanofanira kutsigirwa nezvekushandisa panguva yekutevera kuti vakwanise kudzidza vaine pfungwa imwe chete. Vanogona kushandisa sanitary wear inosonwa ichizowachwa asi kana nyika ichiri kutarisana nedambudziko remvura kudai, zvinangwa zvedu zvinogona kudzorerwa kumashure.”

Anoti zvichitevera kuvharwa kwakaita zvikoro nekuda kweCovid-19, kuwaniswa kwemashoko kumadzimai nevanasikana maringe neutano hwesikarudzi kwava kunetsa.

“Vanasikana nemadzimai vari kuswera vari kuzvibhorani vachitsvaga mvura izvo zvinoita kuti vakundikane kuzvishambidza zvakanaka sezvo mvura shoma yavanenge vawana vachisarudza kuishandisa mamwe mabasa epamba sekubika nekusuka mandiro,” anodaro.

Theresa Makwara, anova murongi mukuru kusangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children Association (ZAPHCA), anotiwo madzimai ane vana vakaremara vanodawo zvekushandisa uye zvevana vavo panguva yekutevera.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *