Lytton Primary yakatora mubairo

KAMBANI yeChampions Insurance yobatana nebazi redzidzo yepuraimairi nesekondari pamwe nesangano reUnicef mukuona kuti vana vachengetedzwa kubva kunjodzi kana vari pachikoro.

Mashoko aya akataurwa naVaJohn Chawira vekambani iyi paLytton Primary School, muHarare, apo vaive muenzi mukuru pachiitiko chekupihwa kwevana mibairo.

“Haisi pfungwa yakangobva kwatiri isu chete yekuda kuti vana vagare vakachengetedzwa kubva kunjodzi kana vachiita zvidzidzo zvavo asi kuti tinotevedzera zvinodiwa neUnicef pamwe chete nebazi rezvedzidzo muno. Chinangwa nedonzvo redu kuti dai vana vese vemuZimbabwe vari muzvikoro vagara vakachengetedzwa kubva munjodzi ipi zvayo ingavakanganisa mukudzidza kwavo uye kukasira kubatsirikana kana vawirwa netsaona pasina dambudziko rekuti mwana amboshairwa mari yekuti arapiswe kana kumwewo kubatsirwa zvako.

“Tinokurudzira izvi nekuti ikodzero yemwana wechikoro kuti adzidze akachengetedzwa. Ndosaka ndichikurudzirawo zvikoro kuti zvinge zvakagadzirira kusangana nenjodzi pamwe chete nekugona kudzivirira njodzi,” vakadaro VaChawira.

Vanoti kambani yavo iripo pakuchengetedza vana kuburikidza nekuvabatsira kana vasangana netsaona vari pachikoro.

“Izvi zvinoita kuti vana vadzidze vakachengetedzeka nekuti vakasangana netsaona zvinenge zvava nyore kungotora mari nekuvabatsira pakarepo pasina kumbopemha,” vakadaro.

VaChawira vakazopawo chikoro cheLytton Primary School mubairo weBest Well Maintained School munharaunda yeGlen View neMufakose.

Vakati gore riri kutevera kambani yavo ichange ichipa mibairo yakakura sezvo donzvo ravo guru riri rekukurudzira dzidzo kuburikidza nekushanda nezvikoro.

Mukuru wepaLytton Primary, Muzvare Gloria Masike, vakatendawo mubairo wavakapihwa nekambani iyi ndokuvimbisa kuti vari kushuvira kukunda mumakwikwi egore rinouya.

“Ichi chitsvambe chinoratidza kuti tinofanira kutora mubairo mukuru chaiwo pamakwikwi emaMerit Awards egore rinouya. Ndinotenda nemubairo uyu nekuti zvinoratidza kuti kune vanotirangarira nekuita mabasa akanaka. Ndinotendawo nechirongwa cheChampions chinokurudzira kuchengetedzwa kwevana kubva munjodzi ndichiti zvinodawo kuti tibatane nevabereki mukuvandudza chirongwa ichi,” vakadaro Muzvare Masike.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×