NDINOMBONZWA nyaya dzevanhu vakaita zvinotyisa, zvinoshamisa nekunyadzisa vakadhakwa. Asi murume wekubuda muKwayedza wekubata-bata matama nekuvhura maziso echitunha, pedzezvo ozochimbundira nekuchitsvoda anotora mukombe! Ndiko kukadhakwa zvekusvika pakutadza kuziva kuti unonzi ani, unogara kupi, uye ruwoko rwako rwune zvigunwe zvingani.
Kana doro richikudaro, ibva warisiya.
Murume “wekudhakwa” zvekunovhura chitunha maziso uyu anoti akabva arega kunwa doro mushure mezvaakaita. Asi dai kurega kwake doro kukasava kwemazuva maviri chete nekuti muKirisimasi umu doro richange richitsvaga vekukumurisa njere! Asi nyangwe zvakadaro, kudhakwa hakusi kupenga.
Kana uchinge wanwa doro, asi iro rozokupindukira, rokunwa – ibva warisiya nekuti riri kutaura kuti harikude, uye haudike. Pane anonzi marambadoro, zvichireva kusaziva zvaunoita kana uchinge wadhakwa. PachiKorekore, kudhakwa kunonzi kukoriwa. Asiwo unogona kukoriwa nezvinhu zvekudya, kazhinji zvimbishi zvekuti zvinokukanganisa mukanwa, mudumbu nemusoro zvekuti unogona kutofa.
Doro rinokonzeresa. Kune vakaona ambhuya kunge muramu pavakanga vadhakwa. Kune vakapinda mudzimba dzevamwe, nevamwe vakaurayiwa vakadhakwa.
Bhaibheri pamusoro pedoro rinoti, “Waini munyengeri, doro mudadi.” Kune imwe nyika inonzi Holland vanhu veko vanoda doro zvikuru. Kana munhu ari gwara rinotya zvisingaite, vanoti akanwa doro anobva aita mushingi. Asi hushingi hwacho hunenge hwakazendama padoro. Kana rikapera, unosara wave iwe!
Doro rinoda kunwiwa zvine muganhu kunyanya kana pane chiitiko chakafanana nerufu. Rufu harwusi muchato, asi nyangwe ipo pamuchato, doro rinongoda kunwiwa zvine chikero. Rimwe dambudziko rine kukoriwa nderekuti, kana vanhu vachinge vanwa doro, vanotanga kutaurisa nekuziva zvese zvinofanira kuzivikanwa, uye zvavanenge vachitaura hazvisangane kana kuti zvinosvota vamwe vanhu vasina kunwa.
Asi nguva zhinji vanhu vane marambadoro vanozorirega vaita mashura anogona kuurayisa munhu. Senyaya yamudhara Matiyasi inotevera iyi:
Mayazi yaive imbwa tsvuku ine maziso anenge emunhu zvekuti yaiti ikaramba yakakutarisa wainyara. Yaive imbwa yakangwara nekuti yainzwa zvizhinji zvaitaurwa nevanhu. Mudhara Matiyasi, ndiye aive tenzi vaMayazi. Mudhara Matiyasi aienda kunonwa doro nembwa yake akapfeka bhachi netayi. Mudhara Matiyasi aiti Mayazi yaive yakadzidza nekuti aiti akati “sit” yaigara. Akati “jump” yaisvetuka, “roll” ichiumburuka.
Rimwe zuva Mudhara Matiyasi akadhakwa zvekuti Mayazi yakafa nenyadzi. Kana kuteerera tenzi wayo yakanga isisade. Mudhara Matiyasi akanga ave kutaura achisvotesa vamwe padoro.
“Ndini chete muno mumusha ndinemba yezvidhinha nemarata. Ndini ndega ndine redhiyo nembwa inonzwa chiRungu. Kana mari yangu yakawanda zvekuti iri kuramba kupera.” Mudhara Matiyasi akazobva padoro achiimba chimbo chechechi chechiRungu. Tayi yake yakanga yatarisa divi nekunyara. Nguva dzakanga dzapera. Mudhara Matiyasi akasvika pamba paSabhuku Makiyoni, ndokunanga kubhedhurumu kwemukadzi wasabhuku mudiki, akati, “Iwe mukadzi iwe, vhura dhowo ndipinde.”
Ipapo, Mayazi yakaruma tenzi vayo. Ndiro rakave doro rekupedzisira kudhaka Mudhara Matiyasi. Iko zvino ave mufundisi wechechi.
Pane nguva dzekuti kana ukaudzwa zvawakaita wakadhakwa, kana uri munhu chaiye unofanirwa kubva warega doro. Nyaya yamudhara Matiyasi yakaitika zvechokwadi, uye ndaifungiswa nenyaya yemurume akaburitswa muKwayedza avhura maziso echitunha.




