Mabasa emidzimu

Munyaradzi Gunduza —
7. TSANANGURA zviitiko zvisere zviri muna Museve Usingapotse zvinoratidza kukosheswa kwen’anga muupenyu hwechinyakare. [25]

N’anga dzaikokwawo padare. Tinozviona panoshevedzwa machinda padare naMambo Chakaingesu vachida kuvazivisa nezvekuenda kunoratidza Karinge ninga yairadzikwa madzimambo avo, Mapfumo naKandishaya vaive n’anga vakakokwawo padare racho.

Pasichigare n’anga dzaiteererwa. Izvi zvinoonekwa padare rakaitwa naMambo Chakaingesu pamuzinda pavo rekuti vaende naKaringe kunomudzidzisa nezvekuninga yemadzimambo avo. Pondai anoramba asi mamwe machinda nen’anga dzinoti Kandishaya naMapfumo vanobvumirana namambo zvinoita kuti vazotanga kuenda naye ikoko zuva rakatevera.

Pasichigare vanhu vaibvunzira kun’anga kana munhu akatsakatika. Tinozviona panoenda Mambo Chakaingesu kunobvunzira kun’anga dzinoti Mapfumo naKandishaya nezvekutsakatika kwaPondai mazuva aaive apotera kwaMambo Mupambi asi dzakati hapana chakaipa chaive chaitika kwaari sezvo zvaive muhurongwa hwevari kunyikadzimu. N’anga dzaibvunzirwa zvinetswa pasati parohwa guva. Tinonzwa nezwi remunyori kuti mudunhu raMambo Mupambi maive netsika yekuti kana guva risati rarohwa vanhu vaitanga vambozvifambira kun’anga vachinzwa kuti mufi aive ava kukwanisa here kurohwa guva, kana asati vaipiwa zvikonzero zvacho.

Pasichigare n’anga dzaibvunzirwa pakafa munhu zvisinganzwisisiki. Tinonzwa nezwi remunyori kuti munyika yaMambo Mupambi vaiti munhu akafa masikati machena vaienda kunobvunzira kun’anga kuti sei midzimu yavo yavapira gotsi.

N’anga dzaibatsira kutungamira hondo. Tinozviona Mambo Mupambi pavanoronga varwi vehondo yaienda kunobatsira Pondai kurwisa Mambo Chakaingesu. Pachikwata chemauto aya paive nen’anga shanu dzaizovapa mazano pahondo yavainorwa.

Pasichigare n’anga dzairapa vanhu. Izvi zvinoonekwa mudunhu raMambo Chakaingesu munonzi vemumuzinda wamambo vaingoti mwana akapisa muviri vaimhanya kunorovesa hakata kun’anga dzaisanganisa Kandishaya naMapfumo.

Kare n’anga dzaive nebasa rekuchengetedza misha. Tinonzwa nezwi remunyori kuti n’anga inonzi Kandishaya yemudunhu raMambo Chakaingesu yaigadzira ruzhowa rwekupinga varoyi pamusha.

Kare kare n’anga dzaigara pedyo namambo. Izvi zvinoonekwa mumuzinda waMambo Chakaingesu vaigara nen’anga dzaisanganisa Mapfumo naKandishaya dzaivabatsira pakutonga kwavo.

8. Vadzimu ndivo vaive vakabata upenyu hwaVaShona makare kare. Tsigira pfungwa iyi nezvinowanikwa murungano Museve Usingapotse. [25]

Pasichigare madzimambo aisuma midzimu asati apa munhu pekugara. Izvi zvinobuda munyika yaMambo Chakaingesu vaiti vaona nzvimbo yakakodzera kuti munhu avake musha mutsva, vaisuma danho iri kumidzimu voikurukurira zvikonzero zvekusarudza nzvimbo iyi.

Muupenyu hwechinyakare midzimu yaikumbirwa kuti ichengete musha mutsva. Tinonzwa kuti mudunhu raMambo Chakaingesu, vaikumbira nekunyengetedza vadzimu vedzinza kuti varinge nekuchengeta vagari vemusha mutsva pamwe neminda nezvipfuyo zvavo kuti zvigokura zvakanaka.

Pasichigare vechidiki vaikura vachidzidziswa kuremekedza midzimu. Izvi zvinoonekwa mudunhu raMambo Chakaingesu umo vana vadiki vaidzidziswa nejinda ramambo rainzi Nyahwedekwe kuremekedza midzimu pamwe chete namambo vainzi ijinda guru remidzimu yavo.

Muupenyu hwepasichigare vanhu vayaruka vaidzidziswa kudeketera midzimu. Zvinojekeswa naMambo Chakaingesu naVaMatose vanoenda naKaringe akanga ave nemakore makumi maviri nemashanu kuninga yaidetemberwa midzimu yavo kunomudzidzisa kuti yaideketerwa sei vachiitira kuti asazonetseka kutaurirana nayo zvaizonetsa kana ave mambo.

Kare vanhu vaiteura kuvadzimu. Tinozviona kuna VaMatose vanorayira Karinge kuti hama ine mutupo wedzinza ndiyo inoteurira midzimu kwete mutorwa uye muteuro wacho unenge uzere mutauro unodzamisa tsika nemagariro avo sezvakazoitwa naMambo Chakaingesu voteurira midzimu vari muninga yairadzikwa madzimambo avo.

Muupenyu hwepasichigare midzimu hayaiteurirwa nemhombwe kana varoyi. Izvi zvinobuda VaMatose pavanodzidzisa Karinge vari kuninga yairadzikwa madzimambo avo vachiti midzimu haiteurirwe nemunhu abva kunopomba kana muroyi nekuti aigona kuzopedzisira ave kutetereka nemasango.

Muchinyakare vanhu vaikumbira mvura kumidzimu. Tinonzwa nezwi remunyori kuti munyika yaMambo Mupambi vaiti mvura ikanonoka kunaya, zvairatidza kuti kwaigona kuzoita nzara naizvozvo vaizonodetemba kumidzimu yavo vachikumbira mvura yobva yanaya zvekuzadza nzizi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *