Mabhanzi ari nyore kubika

MABHANZI kudya kunonaka zvikuru uye kuri nyore kutakura kana munhu uri parwendo.

Svondo rino Mbuya Veronica Gamuchirai vekwaRusape vanotsanangura mabikirwo emabhanzi ari nyore.

Zvinodiwa:

Furawa, mbiriso, shuga, bun paper, tireyi yemabhanzi, mudziyo wekukanyira, mazai maviri, majarini nemvura yakachena.

Mabikiro:

Tora makomichi maviri efurawa wosanganisa neshuga, munyu, mbiriso, majarini nemazai maviri.

Chikanyira mungave mundiro yakakura uchidira mvura zvishoma neshoma kusvika zvanyatsosangana uye zvakora.

Kwidibira usiye zvichifuta kwemaminitsi makumi matatu.

Wozodii?

Tora tireyi uise bun paper mukati memakomba etireyi kuti mabhanzi asatsve.

Isa furawa pamusoro pebun paper inoenderana nekukura kwemabhanzi aunoda.

Chiisa muhovheni inopisa 200 degrees uye wozoabura mushure memaminitsi gumi nemashanu nekuti anenge atoibva.

Kana zvadai, chidyai zvenyu nemhuri muchinwira-nwira nezvinwiwa zvamunoda.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *