Mabhazi anotakura zvakadarikidza odzikiswa vanhu, obva atorwa

Munyori weKwayedza

VANHU vanokwira mabhazi akazarisa vachadzikiswa uye obva atorwa senzira yekuderedza tsaona dzemumigwagwa panguva yezororo rino.

Chirongwa ichi chiri kutungamirirwa neTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ), iyo nguva yayo yekupa chenjedzo pamusoro pekudzivirira tsaona pazororo inotanga nemusi wa15 Zvita uye ichipera nemusi wa15 Ndira.

Pasi pechirongwa ichi, pachange paine mishina inoshandiswa kuongorora vatyairi mumigwagwa kuti havasi kutyaira vakadhakwa here.

Huwandu hwezvikwata zviri kushandira mumigwagwa hwakawedzerwa kuenda pa61 kubva 55 gore radarika.

Pazvikwata izvi, 34 zvinenge zvakamira munzvimbo dzakasiyana apo zvimwe 27 zvichange zvichifamba-famba, sekutaura kwamanaging director weTSCZ, VaMunesu Munodawafa.

Vanoti TSCZ iri kushanda nemapoka akasiyana-siyana, anosanganisira bazi rezvezvifambiso nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) mukuona kuti mitemo yepamugwagwa yatevedzerwa nemazvo.

“Panenge paita nyaya yekutakura zvakadarikidza, vanhu vari kuzodzikiswa. Izvi hazvisi kuzoregwa kuitwa. Kunyangwe zvichikanganisa, tinofanirwa kutora matanho kuitira kuchengetedza upenyu. Ndiyo nzira yatiri kutora,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *