Mabhazi matsva 500

Felex Share
NYIKA yeBelarus yazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi anosvika 500 ekutakura veruzhinji uye danho iri riri kuuya panguva iyo kushanya kwakaitwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa kuEurasia kwave kutanga kuratidza zvibereko.

Nguva pfupi yadarika, President Mnangagwa vakashanyira Russia, Belarus, Azerbaijan neKazakhastan kwesvondo rose.

Muhurukuro dzakaitwa, mutungamiriri weBelarus President Alexander Lukashenko vakazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi 500, rinova danho richasimudzira nyika ino zvikuru munyaya dzekutakurwa kweveruzhinji izvo zvinoendererana nezvirongwa zveHurumende zveTransitional Stabilisation Porgramme neVision 2030.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano weCabinet nemusi weChipiri chino, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti Belarus yakazvipira kusimudzira Zimbabwe kuti igove muzinda mukuru mudunhu reSadc munyaya dzezvekufambisa ichishandisa mari yayo.

“Belarus yakazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi 500 uye pane mukana wekuwedzera mabhazi aya nekufamba kwenguva,” vanodaro Cde Mutsvangwa. Vanoti Hurumende iri kuziva kuti veruzhinji vari kutambura nekudaro iri mushishi kutora matanho ekugadzirisa mamiriro ezvinhu aya sezvo ichida kuti pave nemabhazi ekutakura vanhu mumadhorobha nekumaruwa.

Vanhu vanoda zvekufambisa mumaguta nemumadhorobha vanonzi vanodarika 1 miriyoni munyika yose. Gurukota rezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube, vanoti Hurumende iri pakati pekuzeya nyaya yerubatsiro rwunoda kupihwa kuZimbabwe neBelarus.

“Rubatsiro kubva kuBelarus tiri kuongorora nezvarwo tione kuti tingarutambire sei,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *