Mabhishopi vaiva pabira ren’anga

Bhishop Cuthert Nyaruvenda
Bhishop Cuthert Nyaruvenda

KWASHE Chundu, kuHurungwe, kwakaitika zvinorova nemusi weMugovera svondo rapera pamberi apo kwakaitwa bira rechivanhu iro rakapindwa nen’anga nevamwe vakuru vemachechi vakaita semabhishopu — mumwe mupositori wechikadzi ndokuguma asvikirwa nemudzimu.

Vaive pabira iri — kusanganisira vakuru vemamwe makereke — vakapera mate mukanwa apo mudzimu wakati tugu kubuda pamumwe mupositori aivepo.

Mupositori uyu akabidirika nekuzvongonyoka ari pasi apo ainge akaturikwa tsvimbo pabendekete nen’anga Mbuya Martha Reid vanogara kuChitungwiza.

“Taura, ndiwe ani? Taura!” vakadaro Mbuya Reid nezwi riri pamusoro vachida kuziva kuti mweya rudzii wainge wabata madzimai ava.

Vanhu vaive pedyo vanoti mupositori uyu aipindura zvaisanyatsonzwika asi Mbuya Reid vanoti “pane mweya wasekuru”.

Vakuru vemachechi vaive pabira iri vanoti vainge vaenda kumutambo wechivanhu uyu sezvo n’anga nemapositori vari nhengo dzesangano rimwe chete, reZimbabwe National Practictioners Association (ZINPA), iro rinotungamirirwa naVaFriday Chisanyu.

VaChisanyu vanosvikirwa uye pazuva iri, vakadhudhudzira ropa rembudzi mbishi rainge rizere ndiro apo vakabudirwa nemudzimu.

Bira iri rakaitirwa pamusha paSekuru Chisanyu.

Vamwe vakuru vemachechi vaiva pabira iri, avo vakapindawo muimba yemusasa yaiitwa zvekushopera nemudzimu waSekuru Chisanyu nevamwe ndevanoti Bishop Cuthbert Nyaruvenda, Bishop Itai Bakasa naBishop Gibson Kasekete.

Mabhishopu nemapositori aya vakatobvisa shangu nenguwani sezvaiitwa nevamwe vanhu, Kwayedza iripo, ndokupinda muimba maiitirwa matare nekukandwa hakata nen’anga nemasvikiro aisanganisira Sekuru Chisanyu.

Apa ndipozve pakadhudhudzirwa ndiro yose izere ropa nesvikiro Sekuru Chisanyu.

Bira iri raive rekutenda mudzimu unosvika panaVaChisanyu.

Zvichakadaro, apo mbira nengoma zvakange zvapfumbira, mudzimai mupositori uyu, Mai Vainesi Gutu (35), akazopindawo mudariro ndokutanga kutamba ngoma dzemadandanda.

Madzimai Vainesi, avo vainge vakasunga dhuku jena mumusoro, vakazotendekwa netsvimbo yaMbuya Reid ndokuwira pasi.

Mbuya Reid vakati: “Anditi ‘ndini sekuru ndakauya kare’. Ndazomupakatisa tsvimbo yangu ndatoona kuti mudzimu chaiwo uri paari.”

Mai Pokanai Kurisa (42), avo vanova vemumusha maiitirwa bira iri, vanoti vanoziva Madzimai Vainesi semunhu anonamata.

“Vanogara munharaunda ino uye vanotozivikanwa samadzimai vanoenda kuJohanne Masowe yeChishanu. Zvatishamisa vave kupinda mudariro vachitamba nekuti pavauya zvanga zvichinzi vange vachida kungoonawo zviri kuitika pano,” vakadaro.

Vachipindura mibvunzo kuKwayedza, Bishop Bakasa vanoti havaone chakaipa nekuenda kwavakaita kubira rekuHurungwe sezvo vachitenda zvakare mune zvechivanhu zvisinei nekuti vanonamata.

“Isu hatina rusarura, kunyanya panyaya dzezvechivanhu, nekuti ndiko kwatakabva nako sevanhu vatema. Tinoremekedza madzitateguru edu kunyangwe mukunamata kwedu. Kana patinoparidza kumakereke tinofundisa vatendi kuti vasatuke madzinza avo kana vanoita zvechivanhu,” vanodaro Bishop Bakasa.

Bishop Nyaruvenda vanoti chivanhu nemachechi zvinodyidzana.

“Chakangosiyana inguwo dzatinopfeka asi mweya yatinoshandisa ndeimwe chete. Kumakereke munhu anotaura nendimi achiti Elijah, Mikairo kuri kureva mazita evanhu vakafa. Zvimwe chetezvo nekuchivanhu apo vanhu vanodetemba vachidana hama dzavo dzakafa dzichizotaura kuvapenyu.

“Isu vemachechi tinopfeka nguwo chena tisingapfeki ngundu zvinoitwa kun’anga asi tiri vamwe nekuti zvinonetsa kuti uzive kuti munhu wose zvaari kuporofita muchechi ari kushandisa mweya waani, waMwari here kana wemudzimu,” vanodaro.

Bishop Kasekete vanotiwo havarambidzi vatendi vavo kunobatsirwa kuchivanhu sezvinoitwa nemamwe makereke.

Vanoti: “Vatendi vanhu vane matambudziko akasiyana nekudaro vane sarudzo yekuenda kunobatsirwa kwavakasununguka, kun’anga, kuchechi kana kuchipatara. Kana tikada kuvarambidza vanoenda nerweseri nekuti moyo wemunhu zvaunenge wada haungazvirambidzi.”

Vanotiwo kune mweya yemadzinza uye ngozi dzinoda kuripwa muchivanhu zvinova zvinhu zvinogona kutadzwa nevemakereke.

“Tinokurudzira vanhu kuti vatange vapedza zvinodiwa kuchivanhu vozouya kumakereke. Zvino kana vakazoziva zvechivanhu vave kukereke vodii? Tinototi vaende vozouya vachireurura,” vanodaro.

Mbuya Bennadet Maponga, vanove murapi wechivanhu, vakati vakambobatsira mumwe mudzimai ainamata positori achitonzi aive muporofita.

“Zvinoitika izvi, gore rapera pamba pangu kuUnit A kuChitungwiza, kwakauya vamwe amai vanonamata positori avo vainzi vane ngirozi yekuporofita mushure mekunge vaperekedza mwana wavo airwara vachibva vasvikirwa nemudzimu. Ndakatoona kuti zvinhu zviviri izvi zvinodyidzana,” vakadaro.

Kwayedza haina kuzokwanisa kukurukura nemudzimai wekusvikirwa uyu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×