Mabhonzo mumuriwo wetsunga

NYAMA yemabhonzo emombe yakasangana nemuriwo wetsunga zvikanyatsobikwa zvine huyanzvi kudya kunonaka zvikuru.

Svondo rino VaTichaona Mwendera vekuMasvingo vanotitsanangurira mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Nyama yemabhonzo emombe, munyu, mafuta, muriwo wetsunga, matomatisi nehanyanisi.

Mabikiro:

Fashaidza nyama yako pamoto kwemaawa maviri.Ita izvi uchiwedzera mvura kusvikira yaibva.

Cheka muriwo wetsunga mushoma wokanda.Cheka zvakare hanyanisi nematomatisi wokanda.

Isa munyu netwumafuta twushomanana wosiya zvikwate.

Usaise godzamuto.

Kana zvaibva, chibura upakure wozviruma rurimi nekunakirwa.

Usavi uhu hunogona kudyiwa nesadza jena kana rezviyo.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *