MaChevrons orongera Namibia

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chichasangana necheNamibia mumitambo mitatu yeTwenty20 International Series, iyo ichaitirwa kuQueens Sports Club, kuBulawayo.

Mitambo iyi ichatora nzvimbo svondo rinotevera mumazuva anoti 15, 16 na18 Gunyana.

MaChevrons ari kupinda mumutambo uyu achangobva kusangana neSri Lanka. Mativi maviri aya akatatsurana mumitambo mitatu yeT20, apo chikwata chenyika ino chakakundwa 2-1.

Zvikwata zviviri izvi, Zimbabwe ne Namibia, zviri kushandisa mutambo uyu segadziriro sezvo zvose zvichazokwikwidza pamutambo wekurwira tikiti rekuzoenda kuICC Men’s T20 World Cup, uyo uchazoitirwa kuIndia neSri Lanka gore rinouya.

ICC Men’s T20 World Cup Africa Qualifier 2025, unove mutambo wekurwira kuenda kuICC Men’s T20 World Cup, uchaitirwa kuHarare Sports Club kutanga musi wa26 Gunyana kusvika 4 Gumiguru.

Uchange uine zvikwata zvisere. Zviviri zvichapedza zviri pamusoro ndizvo zvichahwinha matikiti ekuenda kunokwikwidza kuWorld Cup.

Zvakadaro, murairidzi wemaChevrons, Justin Sammons, achitaura pamusoro pemutambo wechikwata chake neNamibia, anoti: “Zvakakosha kuti tivake kubva pane zvatakadzidza kubva kumutambo weSri Lanka, uye kusangana neNamibia kuchatipa mukana wokuita gadziriro dzedu dzakasimba takatarisana nekutamba mitambo yekurwira (kuenda kuWorld Cup).

“Ichi (Namibia) chikwata chepamusoro, change chichitamba zvepamusoro mumitambo mizhinji, saka mutambo uyu uchada kuti tive tiri pamusoro,” anodaro Sammons.

Chikwata cheZimbabwe chichasangana neNamibia:

Sikandar Raza (kauteni), Brian Bennett, Ryan Burl, Brad Evans, Trevor Gwandu, Tinotenda Maposa, Tadiwanashe Marumani, Wellington Masakadza, Tony Munyonga, Tashinga Musekiwa, Blessing Muzarabani, Dion Myers, Richard Ngarava, Brendan Taylor naSean Williams

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *