Madhibhi oshomeka

VARIMI vekuWard 18 kudunhu raShe Saunyama, kuNyanga vari kuchema-chema zvikuru nekushomeka kwemadhibhi izvo vanoti zvakonzera dambudziko rekuwanda kwezvikwekwe nezvirwere muzvipfuyo zvavo.

Sadunhu Mushonga, VaFungai Mushonga Saunyama (39), vanoti dambudziko rekushomeka kwemadhibhi iguru mudunhu ravo.

“Muward 18 munova mandinogara ini munongova nemadhibhi maviri chete ayo asingakwane kudhibhisa mombe dzedu nezvimwe zvipfuyo, “ vakadaro.

Vanoti vamwe varimi vanofamba makiromita anodarika gumi kuti vanosvika kunodhibhisa mombe dzavo kumadhibhi maviri aya.

“Tine varimi vakwegura kuno madzimai nevarume avo vanogara voga vazukuru nevana vari kumaguta, varimi ivava havambokwanisa kunosvika kumadhibhi aya zvinoreva kuti imwe nguva vanogara vachibhadhara vanhu vanovaendesera zvipfuyo zvavo kudhibhi,” vakadaro.

Sadunhu Mushonga vanoti vari kukumbira kuHurumende kuti vachererwe pamwe nekuvakisirwa mamwe madhibhi maviri kuti ange achikwanirana nehuwandu hwemombe dziri mudunhu ravo.

“Mombe dziri kuita maronda nekurumwa nezvikwekwe, dzimwe dzacho dzinoguma dzave kutadza kuita basa zvakanaka rekurima munguva yezhizha ino,” vakadaro.

Rimwe dambudziko rine varimi ava kushomeka kwemvura yekuisa mumadhibhi avo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×