Murimi oita zvinorova nemabhatanati

MUMWE murimi wechidiki wekwaMutoko oita zvinorova kuburikidza nekurima mabhatanati uye pari zvino akatarisira kuwana US$3 000 kana achinge akohwa.

Ernest Chamanga (33) wekuChitora 2 Irrigation Scheme, iyo iri kuWard 25, anoti kurima ndiro bhizimusi raakasarudza kuita muupenyu mushure mekupedza chikoro. “Pabindu rino ndakarima nzvimbo yakakura mahekita 0,5 saka ndiri kutarisira kubura 200×15 kgs dzemabhatanati tichizonotengesa kumisika yeMbare nemari iri pakati peUS$15 – US$20 patsaga rimwe chete, ” akadaro Chamanga.

Anoti kurima mabhatanati kunoda kuzvipira, zvikuru sei pakugona kugadzira munda kuti ugare wakachena, kuisa manyowa, kuziva fetereza yakakodzera yakadai seCompound C neAmmonium Nitrate uye kudiridzira nguva nenguva.

“Kuno tine rombo rakanaka nekuti tine dhamu riri pedyo saka tinoshandisa mapaipi kudhonza mvura pasina magetsi nekuti mapaipi edu anenge akarerekera kuminda iri kwakaderera,” akadaro.

Mudhumeni anoshanda naChamanga, VaKurauone Musekiwa, vekuArex vanoti vanodada nemurimi wavo nekuti anotevedzera zvese zvaanodzidziswa kuti ange achibudirira.

“Chamanga anogarowana mibairo yakawanda nekuda kwehunyanzvi hwake hwekugona kurima zvichibva mukuteerera. Gore rapera, atenga rori yake kuburikidza nekugona kurima chibage nhasi uno tiri pano achiratidza zvekare ruzivo rwake rwekurima mabhatanati,” vakadaro VaMusekiwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×