Madora anonaka, ane utano

Madora kudya kunonaka uye kuchivaka muviri. Kana uine madora parwendo, usakanganwe kutakura kachigubhu kemvura yekunwira-nwira kuti zviendeke.

Svondo rino, Mai Josphine Ganje vekuGlen View 3, muHarare, vanotsanangura mamwe mabikirwo emadora.

Zvinodiwa:

Madora, munyu, mafuta kana dovi nemhiripiri

Mabikiro:

Fashaidza makomichi mana emvura wonyika madora kwemaminitsi gumi.

Geza madora uye uchaona achibuda mvura yakatsvukuruka.

Ramba uchiageza uchirasa mvura yacho kusvika achena.

Isa madora mumvura shoma ine munyu nemhiripiri. Kwatisa dakara kusvikira mvura yapera.

Wozodii?

Isa mafuta mupani woisa pamoto. Kanda madora uchiakanga kusvikira asara asisina hunyoro hwakanyanya.

Kana uchida ane dovi, kurungira dovi mumvura, wochizokanda madora. Siya achifashaira kusvika aita muto wakakora.

Kana zvadai, chibura udye nemhuri.

Madora unogona kuadya akadaro kana nesadza.

  • Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *