Madora kudya namambo

MADORA kudya kunonaka, kuchivaka muviri uye kunogara kwenguva refu kusina kuwora nokudaro akakosha zvikuru kutakura sembuva kana uri parwendo. Svondo rino Tendai Chandipwisa wekuChiredzi anotitsanangurira nezvemabikirwo emadora.

Zvinodiwa:

Madora, munyu, mafuta kana dovi nemhiripiri

Mabikiro:

Fashaidza makomichi mana emvura.

Nyika madora mumvura inopisa kwemaminitsi angaite gumi.

Geza madora, uchaona achibuda mvura yakatsvukuruka.

Ramba uchiageza uchirasa mvura kusvika achena.

Chitora madora woisa mumvura shoma ine munyu nemhiripiri. Kwatisa kudakara mvura yapera.

Wozodii?

Isa mafuta mupani woisa pamoto. Kanda madora uchiakanga kusvikira asara asisina hunyoro hwakanyanya.

Kana uchida ane dovi, kurungira dovi mumvura wokanda madora ako. Siya achifashaira kusvika aita muto wakakora.

Kana zvadai, chibura hako uzvirume rurimi nemhuri. Madora anogona kudyiwa akadaro kana kuti nesadza sesarudzo yako.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *