Madzibaba ovhundutsira Mapupu

Kingstone Mapupu —
MUPOROFITA wekubuda muKwayedza svondo rapera achinzi akakurunga mvura yemuteuro nesikarudzi yake ndokuzopa vanhu kuti vanwe nekuigeza kumeso senzira yekutonhodza mweya yakaipa kuMhondoro-Ngezi, ava kuvhundutsira mutori wenhau uno.

Nyaya yaMadzibaba Holy Beaten wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku – uyo kumusha anobva kwaMicho, kuChiweshe – yakabuda mubepanhau rino apo Mambo Murambwa, VaBerito Madhuma (70), vekuMhondoro vaiti vachamushevedza kudare ravo nekuda kwenyaya iyi.

Muporofita uyu anonzi akaita mashura aya pane mumwe musha mubhuku raMadzamba.

Anonzi akanyika sikarudzi yake mumugomo wainge uzere mvura yekunwa pajekerere, iyo akakurunga nayo, pashure ndokuzoti vanhu vainwe nekuigeza kumeso kwavo semuteuro wekutonhodza mweya wengozi.

Pane mashoko zvakare anoti muporofita uyu akakumbira bonde kune vamwe vanhukadzi vaivepo semhiko yake.

Mushure mekunge nyaya iyi yabuda muKwayedza, Madzibaba Holy Beaten – uyo ari kuzviramba – akazoridzira munyori uno nhare nemusi weMugovera achimuvhundutsira.

“Iwe mukomana, wakaita marika neni, rakatengwaka bepanhau rako? Zvino ini ndiri mwana wemuroyi hauzive kuti muroyi anopomerwa zvose-zvose. Tichapedzerana, izvozvi ndiri muHarare. Iwe uri papi tipedzerane? Zvamakanyora zvose manyepo, ivo chief (mambo) vamakataura navo havana kukutaurirai chokwadi nekuti ndivo vakatondipa tsamba yemvumo yekuti ndishandire mudunhu ravo,” anodaro. Anoenderera mberi achiti: “Shamwari haundizive, ndiri mwana wemusangano, weZanu-PF izere. Ndinoda kuuya kuzoona vakuru vako ikoko kunyangwe vakava vangani. .”

Mutori wenhau uno akapindura Madzibaba Holy Beaten kuti kana achida kupedzerana naye vasangane paMbudzi round about, muHarare, uko Mapupu aive panguva iyi, asi muporofita uyu haana kuendako kunze kwekungopaumba achitaura zvakawanda panhare.

Nhamba dzenhare dzakashandiswa naMadzibaba Holy Beaten achivhundutsira munyori uno dzinoti 0771 497 854.

Zvakadai, Mambo Murambwa vanoramba kuti vakapa tsikamutanda wemuporofita uyu tsamba yekuti ashandire mudunhu ravo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *