‘Ndakatiza kushushwa

Tafadzwa Mutsotso —
MURUME wekuti akapata musha mushure mekugara achirohwa nemudzimai wake akazopotera kudare redzimhosva achiti ashaiswa rugare sezvo ari kumutevera kwaave kugara achimuonesa moto ikoko.

Nicholas Mukundwa akamhan’arira mudzimai wake, Jane Mawarire, kuHarare Civil Court achiti amunzwisa nekumushungurudza achimurova nekumutuka.

“Ndinoda gwaro rinondidzivirira kumukadzi uyu arege kundifonera kana kunditsvaga kwandave kugara nekuti ndakatobuda mumba nekuda kwekushusha kwake. Handingagare nemunhu ane hunhu hunenge hwebhuru mudanga,” akadaro.

Akaenderera mberi akati: “Musi wa1 Zvita gore rapera, akandirova zvekusvika pakundidhonza sikarudzi. Aitoda kundiuraya ndikaponeswa nehama dzangu dzandakavakidzana nadzo idzo dzakazouya kuzonunura. Pose pandinonoka kupinda mumba, anotomutsa dzivo achiti, ‘Wanga uri kupi?’ Asi anonyatsoziva kuti ini basa rangu ndere kufamba.”

Akati ane rori hombe saka basa rake ndere kuhaiwa nevanhu achivatakurira zvinhu zvavo kuenda kwakasiyana.

“Handina mufaro mumba mangu saka ndakaona kuti zviri nane ndimusiye mumba macho ega ndinogara zvangu kwangu ndega. Munhu wepi wekuti chero ndikatumirwa meseji kana kufonerwa nehama dzangu, anotoda kuziva kuti ndiani andiridzira runhare.

“Musi uno uyu akandirovera meseji yaive yakanzi ‘gud nyt’ yakabva kumunin’ina wangu achiti yabva kugirlfriend. Mukadzi handichamuda zvangu saka ngaarege kugara achindifonera kana kusvika kwandave kugara nekuti ndaneta nekushungurudzwa,” akadaro Mukundwa.

Mawarire akaudza dare kuti anogara achirwisana nemurume wake nekuda kwehunhu hwake hwekusatendeka muwanano yavo. “Murume wangu mukomana wemagemu, ndiko kusaka ndichida kuzonyanyonzwisisa kuti zvaafamba kwaendwa ndekupi uye chii chaita kuti anonoke. Hakusi kunetsa asi kuti sebasa rake anofamba achienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana saka pamwe pacho ndinenge ndichitoda kunzwawo kana ari ‘safe’,” akadaro Mawarire.

Mawarire akaenderera mberi achiti, “Ndinofonerwa nepfambi dzake zvekuti ndini ndanga ndichitofanirwa kuuya kuno kudare kuzoisa chikumbiro chegwaro redziviriro nekuti ndiye anotondishungurudza asi ndinozvininipisawo semurume wangu. Akatakura mubhedha akandisiya ndichirara pasi nevana asi handina zvandakambotaura.”

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Mukundwa gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *