Madzimai 37 000 vashungurudzwa

Kingstone Mapupu
SANGANO rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reMusasa Project, rinoti gore rino mhirizhonga dzemudzimba dzakakwira nechikamu che63 percent zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19 izvo zvakaona veruzhinji vachigara kudzimba (lockdown).

Mai Precious Taru, avo anova executive director wesangano iri, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vabatane mukurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi.
“Gore rino chete, kubva mumwedzi waNdira kusvika izvozvi, tine nyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai nevanasikana dzakasvika kusangano redu dzinodarika 37 000 munyika yose. Izvi zvinoratidza kukwira kwakanyanya kwekushungurudzwa kwemadzimai kana tichienzanisa nemamwe makore.
“Tikazotarisa kubva mwedzi waKurume kusvika izvozvi, huwandu hwemadzimai akashungurudzwa hunodarika 31 000,” vanodaro Mai Taru.

Vanoti mumamwe makore, huwandu hwenyaya dzinosvitswa kumahofisi avo dzekushungurudzwa kwevanhukadzi hadzidariki 20 000.
“Covid-19 yakakonzera kukwira kwekuparwa kwemhosva dzinomhan’arwa kusangano redu. Kubva mumwedzi waKurume, makambani mazhinji akamisa vanhu kuenda kumabasa uyewo vanoita mabasa vakazvimirira vakamiswawo neHurumende zvikaita kuti vanhu vagare vose kudzimba. Naizvozvo mhirizhonga mudzimba dzakabva dzawedzera.”

Mai Taru vanoti panguva ino apo vari kucherechedza mazuva 16 ekurwiswa kwemhirizhonga kuvanhukadzi, vari kutarisawo kukanganiswa kwaitwa hugaro hwakanaka hwevanasikana nemadzimai mudzimba kuburikidza neCovid-19.

“Gore rino takaona kuti madzimai nevanasikana vakawanda vari kushungurudzwa nehama dzepedyo kwete nevanhu vekure nekuda kwekuti vagere vose semhuri pahukama. Izvozvi nyaya dzasvika kusangano kwedu dzechibharo dzegore rino chete dzinodarika 4 000 zvichisiyana negore rakapera apo dzaiva 995 chete,” vanodaro.

Mai Taru vanoenderera mberi achiti, “Tiri kuona kushungurudzwa kwemadzimai akaroorwa nevasina kuburikidza nehama dzepadyo uyewo vanasikana vachishungurudzwa nehama dzechirume dzepadyo. Hanzvadzi iri kubata hanzvadzi chibharo.”

Mai Taru vanotiwo sangano ravo rinokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose akatarwa mukurwisa Covid-19.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×