‘Madzimai tsigiranai’

Kingstone Mapupu
MAMBO Goronga vekuNyamapanda, kuMudzi, vari kukurudzira vanhukadzi kuti vatsigirane zvizere mune zvakasiyana kusanganisira nyaya dzematongerwo enyika kana munharaunda dzavagere kuitira kuti vatorewo zvigaro zvepamusoro.

VaBoyi Nyamande (48), vanova Mambo Goronga, vanoti vanotarisira kuona vanhukadzi vachitora zvigaro zvepamusoro pane kumirira kuti vatungamirirwe nevarume bedzi.

“Chinangwa changu samambo kuti vanhukadzi vasimudzirwe, vatorewo zvigaro zvaimbofungwa kare kunzi ndezvevarume chete. Hurumende yedu yakazvitanga kare sezvo tichiwana vakuru vemakambani madzimai, kunyangwe vakuru vezvikoro vari kuwanikwawo variko vanhukadzi.

“Saka tinoda hutungamiri hwechidzimai hwakawanda. Asi izvi zvinobva chete pakuti ivo vanhukadzi vatsigirana here vachikwikwidzana nevarume,” vanodaro.

Mambo Goronga – avo vaimbova kanzura wenzvimbo iyi kare – vanoti vanotarisira kuti zvigaro zvakadai sezvemakanzura, husabhuku, humambo nenhengo dzedare reParamende zvivewo nevanhukadzi.

“Kuno kuMashonaland East, tina mambo mumwe chete wechidzimai zvinoratidza kuti pave nemikana yakaenzana pakati pevanhurume nevanhukadzi nekuti kare kwainzi mudzimai haagare hushe kana humambo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Ndinotiwo vanhurume ngavapotewo vachitsigira vanhukadzi mune zvavanenge vachida kuita kuti vakwanise kutora zvigaro zvepamusoro. Mashoko ekusada kubudirira ekuti mhandu yemukadzi mukadzi hatidi kuanzwa nekuti tinoziva kuti vanhukadzi ndivo vanokudza mhuri.”

Mudunhu ravo, vanodaro Mambo Goronga, vane masabhuku echidzimai.

Vanoshorawo vamwe vabereki vane katsika kekuregesa vanasikana chikoro vachivati havana kukosha sevanakomana.

“Tinoona vamwe vanasikana vachigumisidzwa chikoro Grade 7 nevamwe vabereki vane pfungwa dzekuti mwana musikana haana kukosha semwanakomana, hatidi kuzviona izvozvi. Mwana mwana vanofanirwa kupihwa mikana yakaenzana,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *