Madzisahwira voitana pfambi

Nyasha Bvudzijena
SAHWIRA nasahwira vakamisidzana mudare vachipomerana kuita chipfambi izvo zvinonzi zvave kusvika pakuti imba yemumwe wavo iparare.
Susan Mushaba akamhan’arira shamwari yake Rowesai Chaparadza kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mushaba gwaro rinodzivirira.
Mushaba anoti Chaparadza ari kumutuka uye kuda kumurova pose pavanosangana.
“Mukadzi uyu aive shamwari yangu asi iko zvino ava kurwisina neni. Akatondiudza kuti haadi kumbofa akaisa ziso rake pandiri zvekuti ndava kushaya kuti saka ndofambira kupi. Kunetsana kwese uku kuri kubva panyaya yefoni yaakambonditengesera iyo yaave kuti ndimudzosere,” anodaro Mushaba .
Anoti Chaparadza ane tsika yekumutuka kuti ipfambi izvo zviri kumutadzisa kugara zvakanaka nemurume wake.
“Inini ndinonzi ndiri pfambi namai ava zvekuti murume wangu haachavimba neni asi kuti ivo ndivo vaindituma kuzvikomba zvavo zvinosvika zvitatu vachiti ndinopihwa ‘preparation’ yenhumbu yavainayo. Saka ndinoshaya kuti hachisi icho chipfambi here?” anodaro.
Chaparadza anoti Mushaba anofamba achitaura mashoko akaipa pamusoro pake.
“Mai ava vanoudza murume wose andida kuti ndiri pamapiritsi echirongwa vasashamwaridzane neni saka izvozvo zvinozoita kuti ndinetsana navo.
“Handirambe kuti ndiri pachirongwa asi hazvinei navo zvakare havafanire kuvharisa zvinhu zvangu,” anodaro Chaparadza.
Chaparadza anoti haana kumbobvira anetsana naMushaba pamusoro penyaya yefoni.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×