Madzishe oenda kuyunivhesiti

GREAT Zimbabwe University nesangano rinomirira madzishe munyika, reZimbabwe Chiefs Council, vakawirirana kuti yunivhesiti iyi idzidzise pachena madzishe nemadzimambo anosvika 272 zvidzidzo zvakananga kuvandudza ruzivo rwavo rwemutemo.

Chirongwa ichi chinotarisirwa kutanga gore rinouya apo madzishe vanenge vachiita zvidzidzo zvemitemo izvi kwegore rimwe chete kuti vapihwe magwaro.

Zvidzidzo izvi zvichaitwa paGZU kuchikamu cheHerbert Chitepo Law School icho chakavhurwa zviri pamutemo nemutungamiriri wenyika President Mugabe pakupera kwegore radarika.

Dean of Faculty, VaVictor Nkiwane, svondo rapera vakati gadziriro dzekuti chirongwa ichi chichitanga dzave padanho repamusoro.

“Tave pedyo nekupedza hurukuro dzedu nevakuru vemadzishe uye panguva imwe chete tichitarisa zvidzidzo zvavachange vachiitiswa nekuti tinoda kuti vadzidzi vawane chekutaura pamusoro pezvavachadzidziswa,” vakadaro.

“Zvidzidzo izvi zvichaitwa kwegore rimwe chete apo vadzidzi vachapihwa magwaro. Takasarudza kuitisa zvidzidzo izvi pachena kumadzishe edu nekuti vanoita basa guru mukuchengetedzwa kwemutemo munyika.”

VaNkiwane vanoti zvidzidzo zvichaitwa zvinosanganisira zvinoti Introductiion to Law, Ethics pamwe neCourt Procedures izvo zvichabatsira madzishe mukutonga mhosva dzakasiyana kumatunhu avo.

Mukuru weZimbabwe Chiefs Council, Mambo Fortune Charumbira, vanotiwo zvakakosha kucherechedza basa rinoitwa nemadzimambo mukuchengetedza mutemo munyika.

Vanoti kunze kwekupihwa ruzivo rwakadzama pamusoro pemashandisirwo emutemo, madzimambo vanofanira kupihwawo zvekushandiswa zvakakwana kumatare avo.

Kune mamwe madzishe nemadzimambo anonzi ari kupa mitongo isingakodzere kumatare nekuda kwekusaziva mashandisirwo anofanirwa kuitwa mutemo. – The Herald.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×