‘Mafundisi siyanai nekunyeba’

MAPOROFITA nevamwe vakuru vemachechi havafanire kunyengedza varwere vakaita sevane gomarara neutachiona hweHIV kuti varege kunwa mapiritsi sezvo kuita kwakadai kuine njodzi huru kuutano hwavo.

Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika nemukuru wechechi yeAll Families International Church Ministries (AFIC Ministries), Prophet Chamunorwa Nyamupinga, vekuKadoma pamusangano wavakaita nemadzimai, weLadies’ Night.

Prophet Nyamupinga vanoti kune maporofita akawanda ari kunyepera varwere kuti varege kunwa mapiritsi avanenge vanzi vatore nanachiremba vachiti vanoponeswa nekunamata chete.

Prophet Nyamupinga
Prophet Nyamupinga

“Veruzhinji vari kunyeperwa nemamwe maporofita vachinzi vasiye mapiritsi. Vanhu havafaniri kusiiswa mapiritsi nemafundisi kana maporofita. Mufundisi kana muporofita anonamatira nekuponesawo nenzira yake yakasiyana nezvinenge zvatarwa nachiremba.

“Zvakare, minamato yeduwo inenge iri yekuti kana munhu ava pamapiritsi ashandewo zvakanaka kuitira kuti apone kwete kuti inobva yapedza denda rapinda mumunhu rakaongororwa nanamazvikokota,” vanodaro Prophet Nyamupinga.

Vanoenderera mberi vachiti: “Chinoshamisa ndechekuti unonzwa muporofita achiti chirasai zvenyu mapiritsi amuri kunwa nekuti maponeswa asi haasiriye anenge akati munhu atange kunwa mapiritsi iwayo.”

Mutauriri wesangano reNational AIDS Council (NAC), Mai Tadiwa Nyatanga-Pfupa, vanotsinhira mashoko aProphet Nyamupinga vachiti hakuna anokwanisa kuudza munhu ane utachiona hweHIV nechirwere cheAIDS kuti amire kunwa mapiritsi kunze kwachiremba akadzidzira basa.

“NAC ine zvirongwa zvairi kuita gore negore nevatungamiri vedzisvondo. Donzvo redu rakanangana nekuvapakurira ruzivo pamusoro peHIV nezvirwere zvinofambidzana neHIV zvakaita serurindi (TB), gomarara nezvimwewo. Tinoonesanawo navo kuti munhu chete anogona kuudza ane utachiona hweHIV kuti apora, ndiye anenge akamuudza pakutanga kuti ane utachiona uhwu. Pari zvino hakusati kwava nemushonga unopedza HIV asi kune mishonga inoita kuti denda iri rigarike naro, risingaparadzi upenyu, atinoti maARVs,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *