Magariro aVaShona

Munyaradzi Gunduza

UCHISHANDISA nhetembo shanu kubva munhetembo dzokurova bembera nedzejikinyira kana mavingu, tsanangura zvaishungurudza VaShona mumagariro avo. [25]

Tinopfuurira mberi nekupedzisa mhinduro yemubvunzo uyu watakatanga svondo rapfuura.

Kuparadza kwemakuhwa mudetembo Amai vomwana batai mwoyo panonzi,

“Ndakakuudza kuti shamwari zhinji dzinoparadza,” nepanonzi, “Guhwa rinoparadza nzanga,” uye panonzi,

“Chingururu akauraya Chaminuka

Napamusana pamakuhwa.”

Unyope/usimbe mudetembo rinonzi, Unyopi chirwere panonzi,

“Mazuva okugaropimirwa akapera,

Shanda ugondyewo zvamaoko ako,” nepamwe panonzi,

“Iwe shandawo urege kuposhwa navamwe sehangaiwa,” uye panonzi,

“Nyopi yehama ishumba inorura

Kugara nenyopi kugara namatambudziko.”

Rushusho rwavanavamwene kuvaroora vavo mudetembo, Nhuna dzomuroora, nokuti madzimwene haana ndagona.

Muroora akashanya kwavamwene anonzi kuvinga kudya, akasavamaira onzizve anovasema, panonzi,

“Ndiende kumba kwavo u-uri,

Zvonzi, kuvinga zvokudya,

Ndikaregazve kundovamaira,

Zvonzi muroora anondisema” nepamwe panonzi,

“Handina chandinovapa vakatenda,” uye pamwe panonzi,

“Meso avo anozara ropa kana vachindiona,” kureva kuti vamwene vanotoda kuuraya muroora wavo kuti zvivabve.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *