MaGems orwira kuenda kuWorld Cup

Veronica Gwaze

ZIMBABWE Netball Association (ZINA) svondo rino yakaonekana nechikwata chemaGems, icho chine nhengo gumi neshanu, apo chainge choenda kumakwikwi achaitirwa kuNairobi, Kenya, pakati pa19 na26 Gunyana.

Chikwata ichi, icho chiri kutsigirwa nemari neNedbank, chakaenda kuKenya chiri pasi peutungamiriri hwaRopafadzo Mutsauki.

Makwikwi aya, ayo uri kushandawo seeNetball Africa Cup, ari kuunza pamwe chete nyika gumi muKasarani Indoor Arena, yeMoi International Sports Centre.

Nzvimbo mbiri dzekuenda kuWorld Cup, iyo ichaitirwa kuSydney, Australia, gore rinouya, dzichawanikwa kuburikidza nemakwikwi aya eAfrica.

Mumakwikwi aya emudunhu reAfrica, South Africa neUganda dzichatambira mukombe weAfrica Cup, sezvo dzakatowana mukana wekuenda kumakwikwi epasi rose zvichibva pachinzvimbo chadzo (ranking) chepasi rose.

Parizvino, South Africa iri pachinzvimbo chechishanu pasi rose, ukuwo Uganda iri pane chechitanhatu.

Kunyangwe zvazvo mitambo yadzo ichiverengerwa mumakwikwi ekutsvaga nzvimbo yekuenda kuWorld Cup, nyika idzi dzikazosangana mufainari yemukombe, pachashandiswa imwe nzira itsva yekusarudza zvikwata zvichapinda muWorld Cup.

Mutungamiri weZINA Leticia Chipandu anoti gadziriro dzeGems dzakanga dzakadzama uye dzakakwana.

“Kubva pamitambo yeushamwari yakaoma yatakaita nezvikwata zvakasimba zvakaita seMalawi neKenya, kusvika pamakwikwi akasimba eTelkom Cup, COSANA Tournament neCeltic Cup, zvose izvi zvakashanda zviine chinangwa chakajeka,” anodaro.

“Kuedza simba redu tichitamba nezvikwata zvepamusoro zvemudunhu redu kwakavandudza nzira dzedu dzekutamba, kwakasimbisa unyanzvi hwedu hwekukwikwidza uye kwakaita kuti uwandu hwevatambi vane matarenda huwedzereke.

“Mutambo mumwe nemumwe watakatamba waive chikamu cheurongwa hwakadzama hune chinangwa chikuru cheWorld Cup yeNetball ya2027 kuAustralia, uye iye zvino tave kuyambuka danho rokutanga.”

Chipandu anoti sangano ravo rakashanda nesimba guru kuona kuti ratumira chikwata chakasimba kunomiririra nyika mumitambo yekukwikwidzana kuti vapinde mumakwikwi makuru (qualifiers), achitenda zvikuru vatsigiri vavo, Nedbank neCaledonia, nerutsigiro rwavo.

“Izvi zvaizotadza kuitika dai pasina vatsigiri vedu vakavimbika, Nedbank Zimbabwe, iyo yanga ichitsigira chikwata kubva muna 2023, pamwe chete neCaledonia, iyo yakabatana nesu gore rino,” anodaro.

“Nerutsigiro rwavo, chikwata chemaGems chakakwira zvishoma nezvishoma kusvika pakuva chikwata chechi11 chakanakisa pasi rose . . . rwendo rwakanga rwakareba, asi takarufamba takabatana.”

“Tinotendawo zvikuru Hurumende yeZimbabwe, kuburikidza nebazi remitambo pamwe neSports and Recreation Commission. Izvi zvinotiyeuchidza kuti mitambo ine simba rekubatanidza nyika nekusimudzira kudada kwenyika.”

Chikwata chemaGems chichasangana neBotswana mumutambo wacho wokutanga muboka rokutanga (Group One) neMugovera na3 masikati, chisati chasangana neNamibia neMuvhuro uye Tanzania neChitatu.

Mukuru weNedbank, Mai Betty Murambadoro, vakakurudzira chikwata chemaGems kuti chirambe chakabatana mukuedza kwacho kusimudzira mureza wenyika.

“Tinofara zvikuru kuona vasikana vachisimuka kuenda kurwendo urwu rwakakosha, rwune zvose mukati marwo — kushanda nesimba, misodzi, kukunda, nhoroondo nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Related Posts

Mufundisi ave rombe nekutamba ‘kandege’ . . . mari yechegumi yaperera munjuga

Kingstone Mapupu MUFUNDISI uye muvambi wechechi yePower of the World Ministry yemuHarare, Wellington Chinzara (40), anoti akanyengerwa kusiya zveBhaibheri ndokupinda mune zvekutamba njuga yemhando ye”kandege”, izvo zvakamupedzera mari yose, ndokusara…

Baloni adzoka ne‘Masvingo eJeriko’

Abel Ndooka MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mukurumbira Freddy “The Messenger” Baloni anoti zvakakosha kuti vanhu vasatarisirane pasi uye vasimudzirane, izvo anokurudzira padambarefu raari kubika rinonzi “Masvingo eJeriko”. Baloni anotarisirwa kuparura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *