‘Mai mwana musandirove kani!’

‘Iwewe regedza kudanana nemunin’ina wangu’

Trymore Muvhawa

MURUME samusha anoti akatama pamusha nekuda kwemudzimai wake uyo waanoti anogara achimuzvindikita kumurova nekuedza kumutema nedemo.Jefres Matimbe akamhan’arira mudzimai wake, Fungisai Masawi, kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

Akaudza mutongi wedare iri, Yeukai Dzuda, kuti: “Mambo wangu, kuroora kwandikona. Mukadzi uyu anondipfuvisa kugara nekugara nekuda kwemarovero aanondiita. Kutaura kuno ndakatotiza pamba nekuti akanga andirova akazondidzingirira nedemo achida kunditema.”

Matimbe akati mukadzi wake anomutevera kubasa kwake achimutadzisa kushanda zvakanaka.

“Dzimwe nguva paanondirova ndinotizira mumba asi anotema gonhi nematombo kunge richapazika achida kuti ndibude. Anondituka nemashoko anotyisa uye anouya kubasa kwangu achinditadzisa kushanda,” akadaro.

Achipawo divi rake, Masawi akati haarove murume wake asi kuti iye ndiye anotorohwa.

“Pane zvaataura zvose hapana chechokwadi, iye ndiye ane tsika yekundirova, kunditandanisa pamba pangu nedemo uye kudanana nemunin’ina wangu. Zvaari kutaura zvekutiza pamba, inyaya yekuti ndakavawanikidza vachishinha nemunin’ina wangu zvichitevera kufonerwa kwandainge ndaitwa nemuvakidzani wangu ndiri kumusha,” akadaro.

Anoti mushure mekubatikidza murume wake aine munin’ina wake, vakazotaurirana akavimbisa kuti achamuripa nekumutengera midziyo yemumba.

“Takazotaurirana akandikumbira ruregerero achiti achanditengera midziyo yemumba, ini ndokumuregerera. Uye akapisa hembe dzangu ndikanomhan’ara kumapurisa vakati titaurirane ndokundikumbira ruregerero zvakare,” akadaro Masawi.

Mutongi Dzuda akapa Matimbe gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *