Makambani emuno otendwa

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kutenda makambani emuno akazvimirira ayo ari kugadzira midziyo inoshandiswa nevashandi vezveutano mukuzvidzivirira kuti vasatapurirwe Covid-19 (Personal Protective Equipment kana kuti PPEs) iyo nguva yadarika yaitengwa kunze kwenyika.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa vanoti danho iri rabatsira zvikuru mukurerutsa mutoro wekuwanikwa kwemaPPEs munyika muno.

“Panyaya yemaPersonal Protective Equipment, pane mamwe makambani akazvimirira ave kugadzira zvinoshandiswa nevashandi vezveutano vari pamberi mukurwisa kupararira kweCovid-19 izvo zvange zvichitengwa kunze kwenyika kana kupihwa nevamwe vabatsiri,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kugoverwa kwezvekushandisa zviripo pari zvino kuri kuenderera mberi. Zvakawanda zvinoshandiswa mumalaboratory zvakatengwa neHurumende izvo zvakagamuchirwa. Sangano reWorld Health Organisation (WHO) nemamwe mapoka  akabatsirawo nemidziyo nezvimwe zvekurwisa kupararira kweCovid-19.”

Zimbabwe kusvika pari zvino yave nevanhu 591 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus hunokonzera Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Sen Mutsvangwa vanoti boka rekufambiswa kwemashoko pamusoro pechirwere ichi (Information and Risk Communication Sub-committee) riri kusimbaradza basa raro.

Komiti iyi iri kukusha mashoko echenjedzo kunzvimbo dzinosanganisira kumiganhu yenyika kunopinda nevanhu zvisiri pamutemo, kune vedzimotikari vanenge vachida kutenga mafuta nekuvanhu vanoita mabasa emawoko.

Vanoti nzvimbo dzakadai sedzinoshandirwa nevanhu vanoita mabasa emawoko nekutengesa zvakasiyana nemamwe mabhizimisi anoda kutosimba panyaya yekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Vanhu vari kudzoka kubva kunze kwenyika vari kupihwa mabhuku akanyorwa nemitauro yavo apo vanotorwa vachinochengetwa kunzvimbo dzakasiyana vachiongororwa kuti havana chirwere ichi here senzira yekuvapa chenjedzo,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×