‘Makandiwa akakosha pakurima’

Muchaneta Chimuka
VARIMI vari kumatunhu akasiyana enyika ino vokurudzirwa kuti vagadzire makandiwa eminda yavo nenzira yakanaka sezvo akakosha zvikuru mukuchengetedza hunyoro hwembesa uye kuti vasazorasikirwa nefeteraiza nekumwe kudya kwemuvhu apo mvura inenge yave kunaya.

Kwayedza nguva yadarika yakakurukura nemudhumeni mukuru kukambani yeAgritex – VaIvan Craig – apo vakanga vari pamunda wemumwe murimi kuHauna, mudunhu reManicaland uyo ari kukoshesa kugadzirwa zvakanaka kwemakandiwa mubasa rake.

“Ndafara zvikuru kwazvo kuona munda wemurimi uyu wakatimbinurwa zvakasimba zvekuti mashanga nemidzi yezvirimwa zvemwaka wakadarika zvakatimbinurwa netarakita zvichisangana nevhu zvinoita kuti zvinge zvichiumba manyowa.  Makandiwa anobatsira kuti ivhu nekudya kwaro kwakadai sefetiraiza nemanyowa nekumwe kudya zvisaeredzwe nemvura. Anobatsira zvakare kuti ivhu pacharo remumunda risayeredzwa richienda kunzizi nemadhamu uko rinonozara zvichideredzawo gukuravhu,” vanodaro VaCraig.

Vanoti kurima kwemasutso kunobatsira mukuderedza kurasikirwa nemvura muzvirimwa nokudaro mwando unoramba uri muvhu kwenguva ndefu.

“Zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze apo nyika inombowana mvura shoma yemudenga, makandiwa anobatsira mukurwisa nzara nekuti zvirimwa zvinokura nekukasika murimi owana goho rake guru. Zvakakosha kuti varimi varime mbeu dzavo nemvura yekutanga kuitira kuti vafambirane nenguva,” vanodaro VaCraig.

Vanoti kumucheto kunoperera makandiwa kunofanira kunge kwakakwirira kuitira kuti mvura ijenge nechemukati pane kurasika.

“Vamwe varimi vari kuwanikwa vachiita mhosho yekuti vanogadzira makandiwa anorasira mvura kunze. Aiwa, akadaro haana zvaanoshanda nekuti anoita kuti ivhu nekudya kwaro kukurwe. Vamwe ndivo vanosarudza kurima zvirimwa zvakadai sembambaira nembatatisi pamusoro pemakandiwa kuitira kuti arambe akasimba,” vanodaro.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×