Makireshi anokosha: Professor Mavima

Tandayi Motsi
HURUMENDE inokoshesa zvikuru dzidzo yekireshi, iyo inodaidzwa kuti Infant School Module, sezvo iri iyo hwaro hwefundo yakasimba yaita kuti Zimbabwe iende pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora. Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wenhengo yeProportional Representation, Muzvare Monica Chigudu.

Muzvare Chigudu vaida kuziva kana Hurumende iine hurongwa hwekuvaka nzvimbo dzekuti vana vekireshi vadzidzire kuMushawasha District, kuMasvingo.

Prof Mavima vakati Infant School Module ndeye vana vanotangira pagwaro reEarly Childhood Development (ECD A) yevana vane makore mana ekuberekwa, ECD B yevane vemakore mashanu pamwe neveGrade 1 ne 2.

“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakatanga uye rinokoshesa chirongwa cheInfant School Module senzira yekusimbisa hwaro hwedzidzo muZimbabwe,” vakadaro Prof Mavima.

Votaura nezvekuwanikwa kwenzvimbo dzekudzidzira kuMushawasha, Prof Mavima vakati ibasa remukuru wechikoro wose kuona kuti ashanda pamwe chete nevagari vemunharaunda kuti chirongwa cheInfant School Module chibudirire.

“Ibasa remukuru wechikoro chepuraimari wose kuona kuti vana vose vadzidza ECD kwemakore maviri vasati vatanga Grade 1. Izvi zvinosanganisira kuvepo kwenzvimbo dzeECD pedyo nekunogara vana kuitira kuti vasafambe nzendo dzakareba,” vakadaro Prof Mavima.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *