Sukulwenkosi Dube-Matutu
MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi.
Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya VaMorebrain Manyange apo akamiswa mudare reGwanda Magistrates’ Court pamberi pemutongi Mai Sithembiso Ndebele.
Tsumbeni akange aramba mhosva iyi asi ndokuroverwa neumbowo hwakapihwa mudare.
Akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu, apo gore rimwechete rakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti haapare mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.
Muchuchisi, VaNgonidzashe Shumba, vanoti Tsumbeni akapara mhosva iyi nemusi wa18 Mbudzi muna2025.
“Nomusi wa18 Mbudzi 2025 nenguva dza8PM, mumhan’ari nemusungwa vaibva kudzimba kukomboni yeMdawini kuKavango Mine, kuFilabusi uko vainwa doro,” vanodaro.
Tsumbeni akabva aburitsa banga ndokubaya mumhan’ari pamaoko ose, padumbu nepachidya pasina chikonzero.
“Mumhan’ari akabva atakurwa kuendeswa kuZRP Filabusi uko nyaya iyi yakamhan’arwa asati adarikidzwa kuFilabusi District Hospital kunorapwa,” vanodaro VaShumba.
Dare rakaudzwa kuti VaManyange vakakuvara panzvimbo dzakasiyana dzemuviri apo pavairwiswa.




