‘Makoreji achapa madhigirii’

MAMWE emakoreji edzidzo yepamusoro anodaidzwa kuti mapolytechnic ari kuvandudza mashandiro awo nedonzvo rekuti atange kupa zvidzidzo kusvika padanho remadhigirii, gurukota rebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Jonathan Moyo vanodaro.

Vanoti mushure mekuita hurukuro nemapolytechnic, zvakawiriranwa kuti pave nechirongwa chakakura chine matanho matatu akananga kutsigira makoreji akadai kuburikidza nehomwe yeZimbabwe Manpower Development Education Fund (ZMDEF) kuitira kugadzirisa mikaha iripo pakati pezvinotarisirwa, tsvakiridzo nezvinodiwa mumaindasitiri.

Prof Moyo vanoti vanofara kuti mari inosvika $9 miriyoni yakaiswa padivi kuitira chirongwa ichi.

Vakataura mashoko aya apo vaikumikidza zviri pamutemo midziyo yekushandisa muzvidzidzo zvemabasa emawoko, yeTechnical and Vocational Education Training (TVET), inokosha $2,3 miriyoni muHarare iyo yakatengerwa mapolytechnic nemamwe makoreji anodzidzisa mabasa emawoko.

Midziyo iyi ichabatsira vadzidzi vanosvika 2 500.

“Tange tichiita hurukuro nevemapolytechnic tichida kunzwisisa basa ravo, kuti vari kuita sei uye tinoziva kuti vose vari mushishi kuvandudza mashandiro avo kuti vange vachipa zvidzidzo zvemadhigirii.

“Ndinovimba kuti izvi hazvizoite kunge vave kuda kutora basa remayunivhesiti.

“Mafungiro edu ndeekuti budiriro mumaindasitiri, munyika ipi zvayo, ine hwaro hunobva mumapolychnic,” vanodaro Prof Moyo.

Vanoti midziyo yekushandisa yakapihwa kumapolytechnic iyi inofanira kuarangaridza basa rawo raanotarisirwa kuita.

Midziyo iyi ichagoverwa kumapolytechnic anoti Bulawayo, Harare, Gweru, Kwekwe, Masvingo, Mutare neJoshua N. Mqabuko.

“Westgate Industrial Training Centre neMsasa Industrial Training Centre zvichabatsirikanawo kubva kumidziyo iyi,” vanodaro Prof Moyo. – The Herald.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×