Makoronyera emvura orongerwa

Muchaneta Chimuka

KUTANGA mumwaka uno wekurima zvirimwa zvemuchando, sangano reZimbabwe National Water Authority (ZINWA) richashandisa ruzivo rwechizvino-zvino rwekuongororora mashandisirwo ari kuitwa mvura pedyo nenzizi nemadhamu kuburikidza nenzira yeGeographical Information System (GIS) nechinangwa chekuona kuti mvura iri shandiswa zviri pamutemo here.

Shanduko itsva iyi ichabatsira mukuchengetedza vanhu vane magwaro anovapa mvumo yekushandisa mvura iyi.
Imwe yemvura iyi iri kuramba ichishandiswa zvisiri pamutemo nemakoronyera, zvikuru ari munyaya dzekurima nemadiridziro, isati yasvika kunzvimbo dzainofanira kunge ichienda.

Mai Marjorie Munyonga vanova mukushi wemashoko vari zvekare mukuru anoona nezvemushambadza kuZinwa vanoti ruzivo rutsva rweGIS rwuchavabatsira mune zvakasiyana-siyana.

MARJORIE MUNYONGA

“Kuburikidza nechirongwa ichi, pamazuva matatu ega-ega Zinwa inenge chibudisa mifananidzo inenge yatorwa nemichina iyi ichiratidza mabasa emadiridziro ari kuitwa kunzvimbo dzakasiyana uye mahekita eminda inenge ichidiridzirwa. Izvi zvichabatsira kuti tinone kuti varimi vakapa here mahekita chaiwo avanenge vari kudiridzira panguva iyoyo kana kuti vakatipa muhushoma ivo vachidiridza mahekita akawanda. Tichakwanisa kunzvera kana paine vamwe varimi vasina magwaro ekushandisa mvura yemurwizi nemadhamu avo vanenge vari kuba,” vanodaro.

Vanoti mifananidzo ichange chitorwa nenzira yemuchadenga ichiratidza nzvimbo dziri kuitwa mabasa ekudiridzira zvichibatsirawo kuti vaite ongororo panzvimbo dzacho.

Mai Munyonga vanoti pasi pemutemo weStatutory Instrument 206 of 2001, vanhu vese vanoda kushandisa mvura yepasi inova iri mumaoko eZinwa pamwe nemadhamu vanofanira kunge vachisainirana chibvumirano nesangano ravo.

“Kusainirana uku kunobatsira kuti Zinwa inge ichikwanisa kuchengetedza mvura iyoyo kuti iwanikwe mumadhamu zvichifambirana nemitemo yakasainirwana uye nyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda. Zinwa yakatonyorerana zvimwe zvezvibvumirano izvi nevarimi kuitira kuti ikwanise kuita tevedzo,” vanodaro.

Mai Munyonga vanokurudzira vese vari kuda kushandisa mvura kuti vaende kumahofisi avo kuti vange vachiwaniswa rubatsiro.

Zvakadaro, Zinwa yakatotanga chirongwa chekuona huwandu hwemvura iri kushandiswa mudzimba zvichibatsira kuti vanhu vange vachibhadhara mvura yavanoshandisa mwedzi wega-wega (Pre-Paid Water Billing System).

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×