Makuwerere kudopiro guru reChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka

KUCHANGE kuri kumakuwerere kumakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance Festival National Finals, ayo achaitirwa kwaMutare, ku“Makomoyo”, nemusi wa19 Chikunguru apo zvikwata gumi zvinobva kumapurovhinzi eZimbabwe zvichakwikwidzana.

Mai Patricia Murambinda, vanove general manager, corporate affairs, kukambani yeDelta Corporation Limited, iyo iri kukotsvera chiitiko ichi, vanoti gadziriro dzedopiro iri dzasvika kwamvura yacheka makumbo.

“Mitambo yeTraditional Dance Festival Grand Finale yakatanga nemusi wa10 Chivabvu, nokudaro dopiro rekwaMutare richange riine musiyano apo tiri kuramba tichisimbaradza nyaya dzekuchengetedzwa kwetsika nemagariro evanhu kumatunhu akasiyana-siyana avanogara. Tinoti munhu wese paMutare Showgrounds nemusi wa19 mwedzi uno,” vanodaro.

Gore rino, dopiro iri riri kuitwa kuburikidza nemushandirapamwe wesangano reNational Arts Council of Zimbabwe neveZimbabwe National Traditional Dance Association.

Chinangwa chikuru ndechekusimudzira kubatana kwevanhu, apo vanenge vachidya nekunwa pamwe chete, vachidzora ndangariro.

“Tine matunhu mashanu pari zvino akatotora mikombe pasi pechirongwa ichi apo Harare, Bulawayo, Matabeleland South, Mashonaland East neMashonaland Central vari kugadzirira kuita makwikwi avo munguva pfupi inotevera.  Pamakwikwi efinale, zvikwata gumi zvichange zvichirwira kuwana mukombe wekutanga,” vanodaro Mai Murambinda.

Vanoti voruzhinji vachapinda mudopiro iri pachena, nokudaro vakasununguka kuuya nehama neshamwari kuti vazofare pamwe chete kutanga nenguva dza10 mangwanani kusvika kwadoka.

Zvikwata zvinotevera ndizvo zvakakunda kupinda mumanational finals kusvika pari zvino: Undi Gure Zambia Nyau chekuMidlands, Semvumba Dinhe (Manicaland), Katawa Traditional Dance Mhande (Mashonaland West), Imvimbi Arts Umzansi (Matabeland North) neJeketera Renyaungwe Bira (Masvingo).

Mibairo yemanational finals ndeinoti:

· Wekutanga: US$15 000

· Wechipiri: US$10 000

· Wechitatu: US$7 500

Gore rapera, chikwata cheNyaungwe Arts Ensemble chekuMashonaland East ndicho chakahwapura mukombe wenyika yose apo chakatamba mbende zvinodakadza kuMucheke Stadium kuMasvingo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *