Muchaneta Chimuka
AKANGE ari makuwerere padopiro reReggae Roadblock rechikamu chekutanga, iro rakaitirwa paGreen Screen Cinema muHarare svondo radarika.
Zvisinei nekuti kunze kwaitonhora zvakanyanya, vatsigiri vemimhanzi vakauya vakawanda kuzovaraidzwa pfungwa nevaimbi vemusambo wereggae, avo vaisanganisira Dino Mudondo, Ras Jabu, Empress Helgah, Sniper Storm, Buhle, Jr Bantan, Satisfaction naMannex Motsi.
Vaimbi ava vaitsigirwa nenyanzvi dzakaita seHouse of Stone Band uye MC J Boss.
Nziyo dzakaridzwa dzinosanganisira idzo dzakaimbwa neshasha dzemusambo wereggae dzakadai saBob Marley munhandare yeRufaro, muHarare, mugore ra1980 apo nyika ino yakawana kuzvitonga kuzere.
Dingindira remusambo uyu kukurudzira kubatana kwevanhu vatema zvisinei nekusiyana kwemarudzi.
Shasha yereggae, Trevor Hall, uyo anonyanyozivikanwa saRas Jabu, anoti chirongwa ichi chakakosha munhoroondo yekusimudzira musambo uyu muZimbabwe uye ane tarisiro yekuti chiwanikwe chichitekeshera mumatunhu ese enyika.
“Isu semaRasta, tinozivikanwa nerudo uye kubatana, saka tinoda kuona nzvimbo dzedu zhinji dzichitaura nezverudo uye kubatana, tichitaura neizwi rimwe chete. Pachirongwa chino, tiri kuona kuti vanhu vanakidzwa nemimhanzi uye vachidzidza zvakawanda zvinosimudzira raramo yavo. Tinoona vanhu vari kufa nezvirwere zvekuwanza ndangariro asi mimhanzi yedu inonyaradza nekunyevenutsa pfungwa, vanhu vachienderera mberi neupenyu,” anodaro.
Kunze kwemimhanzi, chirongwa ichi chakanangana nekusimudzira tsika nemagariro.
Izvi zvinoitwa kuburikidza nekukurudzira vanhu kuti vapfeke nguo dzemuAfrica uye kudada nekuchengeta bvudzi ravakabarwa naro, vachirikama kuita Afro kana kugadzira mhotsi, pane kuchiva bvudzi rekutenga.
Mannex Motsi ndiye akavhara musasa padopiro iri uye akaimba zvinonwiswa mvura, zvakasiya veruzhinji vachidaidzira kuti dai mutambo uyu waenderera mberi kudakara kwayedza.
Pakavewo nekudya kwechivanhu kunokurudzirwa sezvo kuchivaka muviri uye kutandira kure zvirwere. Kwaisanganisira Caribbean neAfrican fusion dishes.




