‘MaLady Chevrons ngaasunge dzisimbe’

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenyika checricket chemadzimai chemaLady Chevrons — Walter Chawaguta — anoti vanotofanirwa kurwa semvumba apo vachabandana neUnited Arab Emirates (UAE) mumitambo yeOne-Day International (ODI) neyeTwenty20 International (T20I) series.

Zvikwata zviviri izvi zvichasangana mumitambo mina yeODI nemiviri yeT20I, uye yose ichaitirwa kuQueens Sports Club, kuBulawayo.

Mitambo yezvikwata izvi yeODI ichange iriko pamazuva anoti 26, 28 na30 Gunyana uye 2 Gumiguru.

YeODI ichingopera, zvikwata izvi zvichabva zvatanga kubandana mumitambo yeT20, iyo ichange iriko musi wa 5 na6 Gumiguru. Izvi zvinotevera kukunda kwakaita maLady Chevrons kumutambo weICC Women’s T20 World Cup Qualifier, uyo wakatora nzvimbo kuNamibia nguva pfupi yadarika.

Chikwata chenyika ichi chakabva chahwinha tikiti rokuti chinokwikwidza kumutambo mukuru wekurwira kuenda kuICC Women’s T20 World Cup Global Qualifier 2026, uyo uchazoitirwa kuNepal kubva mumwedzi waNdira kusvika waKukadzi gore rinouya. Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, Chawaguta anoti mutambo wavo neUAE wakakosha sezvo uchipa chikwata chake mukana wekuita gadziriro vakatarisana nemitambo mikuru iri kuuya.

“Mutambo wedu neUAE wakakosha zvikuru apo takatarisana nemutambo weglobal qualifier gore rinouya. Unotipa mukana sechikwata wokuti timbotarisa vamwe vatambi vange vasipo nokuda kwekukuvara vari kudzoka.

“Nguva yavauya yakakosha nokuti zviri kutipa mukana wokuti tigadzirise kana paine zvinoda kugadziriswa sechikwata.

“UAE chikwata chikuru, chine vatambi vepamusorosoro, mabatter nemabowler, vachatirwisa zvikuru apo tiri kugadzirira mutambo wequalifier,” anodaro Chawaguta.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *