Malcom Waller akaongororwa kusa

MUTAMBI wecricket weZimbabwe, Malcolm Waller, akaongororwa makandiro ake bhora ‘bowling’ kuSouth Africa svondo radarika zvichitevera mashoko akabuda ekuti akange akanda bhora zvisiri pamutemo pamutambo weZimbabwe neBangladesh wetest match uyo wakatambirwa kuKhulna kuBangladesh mwedzi wadarika.

Waller mutambi wechipiri weZim Cricket kumhan’arirwa achinzi ‘bowling’ yake haisi pamutemo. Muna Gumiguru, Propser Utseya akatemerwa zvirango neInternational Cricket Council mushure mekunge paitwa ongororo yakasimba apo akabatwa nemhosva achinzi mhando yebowling yake yakange isiri pamutemo.

Zvisinei, Utseya akazosunungurwa neICC mushure mekuongororwa zvekare apo akaonekwa kuti akange ashandura bowling yake.

Chinyorwa chakatumirwa kubva kuZC chinoti Waller pamwe nesangano iri vave kumirira kunzwa zvichabuda kubva kutsvakurudzo idzo dziri kuitwa kuSouth Afria uko mutambi uyu aiongororwa.

ZC inoti Waller akaongororwa musi weSvondo wadarika kuUniversity of Pretoria iyo ichangobva kupasiswa neICC kuve imwe nzvimbo inoongororwa vatambi vecricket vanenge vamhan’arirwa kuti vari kukanda bhora (bowling) zvisiri pamutemo.

“Mutambi weZim Cricket, Malcom Waller uyo anokanda off-spine akaongororwa kuSouth Africa pasi pemutemo weICC mushure mekunge mabuda mashoko ekuti pane mutambi ari kukanda bhora zvisiri pamutemo.

“Mutambi uyu pamwe neZC vave kumirira kwemasvondo maviri kunzwa zvichabuda mutsvakurudzo idzo dziri kuitwa neICC kuUniversity of Pretoria iyo yakapasiswa kuve imwe nzvimbo inoongorora vatambi vanenge vamhan’arirwa kuti bowling yavo haisi pamutemo.

“Kuongororwa kwaWaller kunotevera kumhan’arirwa kwaakaitwa apo Zimbabwe yakatamba neBangladesh mumutambo wetest match mwedzi wadarika kuKhulna,” yakadaro ZC.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×